| ← Psalms (136/150) → | 
| 1. | Vongai Jehovha, nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 2. | Vongai Mwari wavamwari; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 3. | Vongai Ishe wamadzishe; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 4. | Iye oga, anoita zvishamiso zvikuru; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 5. | Iye, akaita kudenga-denga nenjere dzake; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 6. | Iye akatatamura pasi pamusoro pemvura zhinji; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 7. | Iye akaita zviedza zvikuru; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 8. | Zuva, kuti ribate ushe masikati; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 9. | Mwedzi nenyeredzi, kuti zvibate ushe usiku; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 10. | Iye, akarova veIjipiti pamatangwe avo; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 11. | Akabudisa Isiraeri pakati pavo; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 12. | Nechanza chine simba, uye noruoko rwakatambanudzwa; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 13. | Iye akaparadzanisa Gungwa Dzvuku napakati; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 14. | Akayambusa Isiraeri nomukati maro; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 15. | Akawisira Farao nehondo yake muGungwa Dzvuku; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 16. | Iye, akaperekedza vanhu vake murenje; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 17. | Iye, akaparadza madzimambo makuru; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 18. | Akauraya madzimambo akakurumbira; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 19. | Sihoni mambo wavaAmori; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 20. | NaOgi mambo weBhashani; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 21. | Akapa nyika yavo ive nhaka; ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 22. | Ive nhaka yaIsiraeri muranda wake; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 23. | Iye, akatirangarira paurombo hwedu; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi; | 
| 24. | Akatirwira pavadzivisi vedu; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 25. | Ndiye anopa zvinhu zvose zvokudya zvazvo; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| 26. | Vongai Mwari wokudenga; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. | 
| ← Psalms (136/150) → |