| ← Psalms (135/150) → |
| 1. | Hareruya! Rumbidzai zita raJehovha; Murumbidzei, imi varanda vaJehovha; |
| 2. | Imi mumire mumba maJehovha, Muvazhe dzeimba yaMwari wedu. |
| 3. | Rumbidzai Jehovha; nokuti Jehovha akanaka; Imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza; nokuti ndizvo zvinofadza. |
| 4. | Nokuti Jehovha akazvisanangurira Jakobho, NaIsiraeri kuti ave fuma yake chaiyo. |
| 5. | Nokuti ndinoziva kuti Jehovha . mukuru, Uye kuti Ishe wedu ari kumusoro kwavamwari vose. |
| 6. | Zvose zvaakada kuita Jehovha akazviita, Kudenga napasi, nomumakungwa napakadzika pose. |
| 7. | Anokwidza makore pamigumo yapasi; Anoita mheni kuuyisa mvura; Anobudisa mhepo panovigwa fuma yake. |
| 8. | Ndiye akaparadza matangwe Avanhu neezvipfuwo. |
| 9. | Akatuma zviratidzo nezvishamiso mukati mako, iwe Ijipiti, Pamusoro paFarao napamusoro pavaranda vake vose. |
| 10. | Ndiye akaparadza ndudzi zhinji, Nokuuraya madzimambo anesimba. |
| 11. | Sihoni mambo wavaAmori, NaOgi mambo weBhashani, Noushe hwose hweKanani; |
| 12. | Akapa nyika yavo ive nhaka, Ive nhaka yaIsiraeri vanhu vake. |
| 13. | Zita renyu, Jehovha, riripo nokusingaperi; Munorangarirwa Jehovha, kusvikira kumarudzi namarudzi. |
| 14. | Nokuti Jehovha achatonga vanhu vake, Nokuzvidemba pamusoro pavaranda vake. |
| 15. | Zvifananidzo zvavahedheni isirivha nendarama, Mubato wamaoko avanhu. |
| 16. | Zvinemiromo, asi hazvitauri; Nameso zvinawo, asi hazvioni; |
| 17. | Zvinenzeve, asi hazvinzwi; Hakuna kufema pamiromo yazvo. |
| 18. | Vanozviita vachafanana nazvo; Zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo. |
| 19. | Imi veimba yalsiraeri, rumbidzai Jehovha; Imi veimba yaAroni, rumbidzai Jehovha; |
| 20. | Imi veimba yaRevhi, rumbidzai Jehovha; Imi vanotya Jehovha, rumbidzai Jehovha. |
| 21. | Jehovha ngaarumbidzwe paZiyoni, Iye agere Jerusaremu. Hareruya! |
| ← Psalms (135/150) → |