Psalms (132/150)  

1. Jehovha, rangarirai Dhavhidhi Nedambudziko rake rose;
2. Namapikiro ake kuna Jehovha, Nokupika kuna Wamasimba waJakobho, achiti,
3. " Zvirokwazvo handingapindi mutende reimba yangu, Kana kukwira pamubhedha wandakawadzirwa;
4. Handingatenderi meso angu kuvata, Kana mafungiro angu kukotsira;
5. Kusvikira ndawanira Jehovha nzvimbo, Netabhenakeri dzaWamasimba waJakobho."
6. Tarirai, takazvinzwa muEfurata; Takazviwana pasango reJaari.
7. Tichapinda mutabhenakeri dzake; Tichanamata pachitsiko chetsoka dzake.
8. Simukai Jehovha, mupinde pamungazorora; Imi, neareka yesimba renyu.
9. Vapiristi venyu ngavafukidzwe nokururama; Uye vatsvene venyu ngavapururudze nomufaro .
10. Nokuda kwaDhavhidhi muranda wenyu Regai kuramba chiso chomuzodziwa wenyu.
11. Jehovha akapika kuna Dhavhidhi; Haangashanduki pazviri, achiti, "Zvibereko zvomuviri wako ndizvo zvandichaisa pachigaro chako choushe.
12. Kana vana vako vachichengeta sungano yangu Nezvipupuriro zvangu zvandichavadzidzisa, Navana vavowo vachagara pachigaro chako choushe nokusingaperi."
13. Nokuti Jehovha wakasanangura Ziyoni; Akarida kuti huve ugaro hwake.
14. Pano ndipo pandinozorora nokusingaperi; Ndichagara pano; nokuti ndakapada.
15. Ndicharopafadza zvokudya zvaro kwazvo; Ndichagutisa varombo varo nezvokudya.
16. Vapirisiti varo ndichavafukidzawo noruponeso; Vatsvene varo vachapururudza nomufaro.
17. Ipapo ndichameresera Dhavhidhi runyanga; Ndakagadzirira muzodzwa wangu mwenje.
18. Vavengi vake ndichavafukidza nokunyadziswa; Asi korona yake ichapenya pamusoro pake.

  Psalms (132/150)