Psalms (131/150)  

1. Jehovha, moyo wangu hauzvikudzi, meso angu haana manyawi; Handine hanya nezvinhu zvikuru-kuru, Kana nezvinhu zvinondikurira.
2. Zvirokwazvo ndakavaraidza mweya wangu nokuunyaradza; Somwana wakarumurwa ari pana mai vake, Mweya wangu wakaita kwandiri somwana akarumurwa.
3. Imi Isiraeri, tarirai kuna Jehovha Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.

  Psalms (131/150)