| ← Psalms (131/150) → |
| 1. | Jehovha, moyo wangu hauzvikudzi, meso angu haana manyawi; Handine hanya nezvinhu zvikuru-kuru, Kana nezvinhu zvinondikurira. |
| 2. | Zvirokwazvo ndakavaraidza mweya wangu nokuunyaradza; Somwana wakarumurwa ari pana mai vake, Mweya wangu wakaita kwandiri somwana akarumurwa. |
| 3. | Imi Isiraeri, tarirai kuna Jehovha Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi. |
| ← Psalms (131/150) → |