| ← Psalms (130/150) → |
| 1. | Ndakadanidzira kwamuri, Jehovha, ndiri makadzika. |
| 2. | Ishe inzwai inzwi rangu; Nzeve dzenyu ngadziteerere inzwi rokukumbira kwangu. |
| 3. | Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, Ndianiko airamba amire, Ishe? |
| 4. | Asi kukanganwirwa kuriko kwamuri, Kuti vanhu vakutyei. |
| 5. | Ndinorindira Jehovha, mweya wangu unorindira; Ndinotarira shoko rake. |
| 6. | Mweya wangu unorindira Ishe, Kupfuura varindi vanorindira rungwanani; Zvirokwazvo, kupfuura varindi vanorindira rungwanani. |
| 7. | Imi Isiraeri, tarirai kuna Jehovha; .Sokuti kuna Jehovha kune ngoni, Uye kwaari kunokudzikunurwa kukuru. |
| 8. | Iye achadzikunura Isiraeri Panezvisakarurama zvake zvose. |
| ← Psalms (130/150) → |