Psalms (130/150)  

1. Ndakadanidzira kwamuri, Jehovha, ndiri makadzika.
2. Ishe inzwai inzwi rangu; Nzeve dzenyu ngadziteerere inzwi rokukumbira kwangu.
3. Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, Ndianiko airamba amire, Ishe?
4. Asi kukanganwirwa kuriko kwamuri, Kuti vanhu vakutyei.
5. Ndinorindira Jehovha, mweya wangu unorindira; Ndinotarira shoko rake.
6. Mweya wangu unorindira Ishe, Kupfuura varindi vanorindira rungwanani; Zvirokwazvo, kupfuura varindi vanorindira rungwanani.
7. Imi Isiraeri, tarirai kuna Jehovha; .Sokuti kuna Jehovha kune ngoni, Uye kwaari kunokudzikunurwa kukuru.
8. Iye achadzikunura Isiraeri Panezvisakarurama zvake zvose.

  Psalms (130/150)