| ← Psalms (13/150) → |
| 1. | Jehovha muchandikanganwa nokusingaperi kusvikira rinhi? Muchandivanzira chiso chenyu kusvikira rinhiko? |
| 2. | Ndichafunga mano mumweya mangu kusvikira rinhi, Ndine shungu pamoyo pangu zuva rimwe nerimwe? Muvengi wangu achandikurira kusvikira rinhi? |
| 3. | Rangarirai, mundipindure, Jehovha Mwari wangu; Vhenekerai meso angu, ndirege kuvata hope dzokufa; |
| 4. | Muvengi wangu arege kuti, "Ndamukunda;" Vadzivisi vangu varege kufara kana ndichizununguka. |
| 5. | Asi ndakavimba nenyasha dzenyu; moyo wangu uchafara nokuponesa kwenyu; |
| 6. | Ndichaimbira Jehovha, Nokuti akandiitira zvakanaka. |
| ← Psalms (13/150) → |