Psalms (13/150)  

1. Jehovha muchandikanganwa nokusingaperi kusvikira rinhi? Muchandivanzira chiso chenyu kusvikira rinhiko?
2. Ndichafunga mano mumweya mangu kusvikira rinhi, Ndine shungu pamoyo pangu zuva rimwe nerimwe? Muvengi wangu achandikurira kusvikira rinhi?
3. Rangarirai, mundipindure, Jehovha Mwari wangu; Vhenekerai meso angu, ndirege kuvata hope dzokufa;
4. Muvengi wangu arege kuti, "Ndamukunda;" Vadzivisi vangu varege kufara kana ndichizununguka.
5. Asi ndakavimba nenyasha dzenyu; moyo wangu uchafara nokuponesa kwenyu;
6. Ndichaimbira Jehovha, Nokuti akandiitira zvakanaka.

  Psalms (13/150)