| ← Psalms (129/150) → |
| 1. | Vakanditambudza kazhinji kubva pauduku hwangu, Isiraeri ngaadaro zvino; |
| 2. | Vakanditambudza kazhinji kubva pauduku hwangu; Kunyange zvakadaro havana kundikunda. |
| 3. | Varimi vakarima pamusana wangu; Vakaita mihoronga yavo mirefu. |
| 4. | Jehovha akarurama; Akaguranya mabote avakaipa. |
| 5. | Ngavanyadziswe, vadzoserwe shure, Ivo vose vanovenga Ziyoni. |
| 6. | Ngavave souswa pamatenga eimba, Hunooma husati hwakura; |
| 7. | Mucheki haazadzi ruoko rwake nahwo, Uye anosunga zvisote, fungatwa rake. |
| 8. | Navanopfuura havangati, "Jehovha ngaakuropafadzei; Tinokuropafadzai nezita raJehovha." |
| ← Psalms (129/150) → |