| ← Psalms (128/150) → | 
| 1. | Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, Vanofamba munzira dzake. | 
| 2. | Nokuti iwe uchadya zvawakabatira namaoko ako; Uchava nomufaro, uye zvichava zvakanaka newe. | 
| 3. | Mukadzi wako uchava somuzambiringa, unobereka zvakanaka, mukati meimba yako; Vana vako vachava semiti yemiorivhi, vakakomberedza tafura yako. | 
| 4. | Tarirai, murume anotya Jehovha Acharopafadzwa saizvozvo. | 
| 5. | Jehovha achakuropafadza ari paZiyoni; Uchaona kukomborerwa kweJerusaremu mazuva ose oupenyu hwako. | 
| 6. | Zvirokwazvo, uchaona vana vavana vako. Isiraeri ngaave norugare. | 
| ← Psalms (128/150) → |