Psalms (128/150)  

1. Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, Vanofamba munzira dzake.
2. Nokuti iwe uchadya zvawakabatira namaoko ako; Uchava nomufaro, uye zvichava zvakanaka newe.
3. Mukadzi wako uchava somuzambiringa, unobereka zvakanaka, mukati meimba yako; Vana vako vachava semiti yemiorivhi, vakakomberedza tafura yako.
4. Tarirai, murume anotya Jehovha Acharopafadzwa saizvozvo.
5. Jehovha achakuropafadza ari paZiyoni; Uchaona kukomborerwa kweJerusaremu mazuva ose oupenyu hwako.
6. Zvirokwazvo, uchaona vana vavana vako. Isiraeri ngaave norugare.

  Psalms (128/150)