Psalms (127/150)  

1. Kana Jehovha asingavaki imba, Vavaki vayo vanobata pasina; Kana Jehovha asingachengeti guta, Murindi anorindira pasina.
2. Hazvina maturo kuti mumuke mangwanani nokunonoka kundovata, Nokudya zvokudya zvamakatamburira; Nokuti anopa vadikanwi vake izvozvo vavete.
3. Tarirai, vana inhaka inobva kuna Jehovha; Chibereko chechizvaro ndiwo mubayiro waanopa.
4. Semiseve muruoko rwemhare, Ndizvo zvakaita vana voujaya.
5. Unomufaro iye murume anegoba rizere navo; Havanganyadziswi, Kana vachitaurirana navavengi vavo pasuo.

  Psalms (127/150)