| ← Psalms (127/150) → |
| 1. | Kana Jehovha asingavaki imba, Vavaki vayo vanobata pasina; Kana Jehovha asingachengeti guta, Murindi anorindira pasina. |
| 2. | Hazvina maturo kuti mumuke mangwanani nokunonoka kundovata, Nokudya zvokudya zvamakatamburira; Nokuti anopa vadikanwi vake izvozvo vavete. |
| 3. | Tarirai, vana inhaka inobva kuna Jehovha; Chibereko chechizvaro ndiwo mubayiro waanopa. |
| 4. | Semiseve muruoko rwemhare, Ndizvo zvakaita vana voujaya. |
| 5. | Unomufaro iye murume anegoba rizere navo; Havanganyadziswi, Kana vachitaurirana navavengi vavo pasuo. |
| ← Psalms (127/150) → |