| ← Psalms (126/150) → |
| 1. | Jehovha panguva yaakadzosa vatapwa veZiyoni, Isu takanga takafanana navanorota hope. |
| 2. | Panguva iyo muromo wedu wakanga uzere nokuseka, Norurimi rwedu nokuimba; Ipapo pakati pavahedheni vakati, "Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru;" |
| 3. | Jehovha wakatiitira zvinhu zvikuru; Isu tinofara. |
| 4. | Dzosai vatapwa vedu, Jehovha, sehove panyika yeNyasi. |
| 5. | Vanodzvara nemisodzi vachakohwa nomufaro. |
| 6. | Anofamba-famba, achichema, akatakura tsama yembeu, achadzoka nomufaro akatakura zvisote zvake. |
| ← Psalms (126/150) → |