| ← Psalms (122/150) → |
| 1. | Ndakafara panguva yavakati kwandiri, "Hendei kumba kwaJehovha." |
| 2. | Tsoka dzedu dzimire Pakati pamasuo ako, Jerusaremu; |
| 3. | Jerusaremu, iwe wakavakwa seguta rakasanganiswa zvakanaka; |
| 4. | Ndiko kunokwira ndudzi, ndudzi dzaJehovha, Sezvakarairwa Isiraeri, Kuti vavonge zita raJehovha. |
| 5. | Nokuti ndiko kwakagadzwa zvigaro zvokutonga, Zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi. |
| 6. | kumbirirai Jerusaremu rugare; Vanokudai, vachakomborerwa. |
| 7. | Rugare ngaruve mukati mamasvingo ako, Nokufarikana mukati medzimba dzako dzoushe. |
| 8. | Nokuda kwehama dzangu neshamwari dzangu, Ndichati zvino, "Rugare ngaruve mukati mako." |
| 9. | Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu Ndichakutsvakira zvakanaka. |
| ← Psalms (122/150) → |