| ← Psalms (121/150) → |
| 1. | Ndichasimudzira meso angu kumakomo; Kubatsirwa kwangu kuchabvepiko? |
| 2. | Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha, Wakaita kudenga napasi. |
| 3. | Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke; Muchengeti wako haangakotsiri. |
| 4. | Tarirai, muchengeti waIsiraeri Haangakotsiri kana kuvata. |
| 5. | Jehovha ndiye muchengeti wako; Jehovha ndiye mumvuri wako paruoko rwako rworudyi. |
| 6. | Zuva haringakubayi masikati, Nomwedzi usiku. |
| 7. | Jehovha achakuchengeta pazvakaipa zvose; Achachengeta mweya wako. |
| 8. | Jehovha achakuchengeta pakubuda kwako napakupinda kwako, Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi. |
| ← Psalms (121/150) → |