Psalms (121/150)  

1. Ndichasimudzira meso angu kumakomo; Kubatsirwa kwangu kuchabvepiko?
2. Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha, Wakaita kudenga napasi.
3. Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke; Muchengeti wako haangakotsiri.
4. Tarirai, muchengeti waIsiraeri Haangakotsiri kana kuvata.
5. Jehovha ndiye muchengeti wako; Jehovha ndiye mumvuri wako paruoko rwako rworudyi.
6. Zuva haringakubayi masikati, Nomwedzi usiku.
7. Jehovha achakuchengeta pazvakaipa zvose; Achachengeta mweya wako.
8. Jehovha achakuchengeta pakubuda kwako napakupinda kwako, Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.

  Psalms (121/150)