Psalms (120/150)  

1. Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Iye akandipindura.
2. Rwirai mweya wangu, Jehovha, pamiromo inoreva nhema, Naparurimi runonyengedzera.
3. Iwe uchapiweiko, chinyi chichawedzerwa kwauri, Iwe rurimi runonyengedzera?
4. Miseve inopinza yeanesimba, Namazimbe anopfuta omurara.
5. Ndine ropa rakaipa zvandiri mutorwa paMesheki, Zvandigere pamatende eKedhari!
6. Mweya wangu wakagara nguva refu Neanovenga rugare.
7. Ini ndinoda rugare; Asi kana ndichitaura, ivo vanotsvaka kurwa.

  Psalms (120/150)