| ← Psalms (12/150) → |
| 1. | Batsirai, Jehovha; nokuti vanoda Mwari vopera; Nokuti vakatendeka havachipo pakati pavana vavanhu. |
| 2. | Vanotaura mumwe nomumwe zvisina maturo nowokwake; Vanotaura nomuromo unobata kumeso, uye nemoyo miviri. |
| 3. | Jehovha achagura miromo yose inobata kumeso, Norurimi runotaura zvinhu zvikuru; |
| 4. | Ivo vakati, "Tichakunda norurimi rwedu; Miromo yedu ndeyedu; ndianiko angava ishe wedu?" |
| 5. | "Nokuda kwokumanikidzwa kwavarombo, nokugomera kwavanoshaiwa, Ndichamuka zvino nokuda kwaizvozvo," ndizvo zvinotaura Jehovha; Ndichamuisa pakasimba ipo paanoshuva. |
| 6. | Mashoko aJehovha mashoko akachena; Sesirivha yakaidzwa mubisiro panyika, Yakanatswa kanomwe. |
| 7. | Muchavachengeta, Jehovha, Muchavachengeta parudzi urwu nokusingaperi. |
| 8. | Vakaipa vanofamba pamativi ose, Kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanakomana vavanhu. |
| ← Psalms (12/150) → |