Psalms (118/150)  

1. Vongai Jehovha; nokuti wakanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.
2. Isiraeri zvino ngavati, "Ngoni dzake dzinogara nokusingaperi."
3. Imba yaAroni zvino ngaiti, "Ngoni dzake dzinogara nokusingaperi."
4. Avo vanotya Jehovha zvino ngavati, "Ngoni dzake dzinogara nokusingaperi."
5. Ndakadanidzira kuna Jehovha pakutambudzika kwangu, Jehovha paakandipindura, akandiisa pakafarikana.
6. Jehovha ari kurutivi rwangu; handingatyi; Munhu angandiiteiko?
7. Jehovha ari kurutivi rwangu pakati pavanondibatsira; Saka ndichaona kukundwa kwavanondivenga.
8. Zviri nani kutizira kuna Jehovha Pakuvimba nomunhu.
9. Zviri nani kutizira kuna Jehovha Pakuvimba namachinda.
10. Vahedheni vose vakandikomba; Ndichavaparadza nezita raJehovha.
11. Vakandikomba, zvirokwazvo, vakandikomba, Ndichavaparadza nezita raJehovha.
12. Vakandikomba senyuchi; vakadzimwa somoto weminzwa; Ndichavaparadza nezita raJehovha.
13. Kundisundidzira wakandisundidzira iwe kuti ndiwe; Asi Jehovha akandibatsira.
14. Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu; Iye akava muponesi wangu.
15. inzwi rokufara nerokuponeswa riri mumatende avakarurama; Ruoko rworudyi rwaJehovha runokunda.
16. Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakasimudzwa, Ruoko rworudyi rwaJehovha runokunda.
17. Handingafi, asi ndichararama, Ndichadudzira mabasa aJehovha.
18. Kundiranga Jehovha akandiranga; Asi haana kundiisa pakufa.
19. Ndizarurirei masuo okururama; Ndichapinda nawo, ndivonge Jehovha.
20. iri ndiro suo raJehovha; Vakarurama vachipinda naro.
21. Ndichakuvongai, nokuti makandipindura, Mukava muponesi wangu.
22. Ibwe rakaraswa navavaki Ndiro rakazova musoro wekona.
23. Ichi chinhu chakabva kuna Jehovha; Zvinoshamisa kana tichizviona.
24. Rino izuva rakaitwa naJehovha; Ngatifare kwazvo tirifarire.
25. Tiponesei zvino, Jehovha ndizvo zvatinonyengetera; Jehovha, tipei mufaro ndizvo zvatinonyengetera.
26. Akaropafadzwa iye anouya nezita raJehovha; Takaropafadzwa tiri mumba maJehovha.
27. Jehovha ndiye Mwari, ndiye akativhenekera; Sungirai chibayiro namabote ipo panyanga dzearitari pamene.
28. Imi muri Mwari wangu, ndichakuvongai; Muri Mwari wangu, ndichakukudzai.
29. Vongai Jehovha; nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.

  Psalms (118/150)