| ← Psalms (118/150) → |
| 1. | Vongai Jehovha; nokuti wakanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. |
| 2. | Isiraeri zvino ngavati, "Ngoni dzake dzinogara nokusingaperi." |
| 3. | Imba yaAroni zvino ngaiti, "Ngoni dzake dzinogara nokusingaperi." |
| 4. | Avo vanotya Jehovha zvino ngavati, "Ngoni dzake dzinogara nokusingaperi." |
| 5. | Ndakadanidzira kuna Jehovha pakutambudzika kwangu, Jehovha paakandipindura, akandiisa pakafarikana. |
| 6. | Jehovha ari kurutivi rwangu; handingatyi; Munhu angandiiteiko? |
| 7. | Jehovha ari kurutivi rwangu pakati pavanondibatsira; Saka ndichaona kukundwa kwavanondivenga. |
| 8. | Zviri nani kutizira kuna Jehovha Pakuvimba nomunhu. |
| 9. | Zviri nani kutizira kuna Jehovha Pakuvimba namachinda. |
| 10. | Vahedheni vose vakandikomba; Ndichavaparadza nezita raJehovha. |
| 11. | Vakandikomba, zvirokwazvo, vakandikomba, Ndichavaparadza nezita raJehovha. |
| 12. | Vakandikomba senyuchi; vakadzimwa somoto weminzwa; Ndichavaparadza nezita raJehovha. |
| 13. | Kundisundidzira wakandisundidzira iwe kuti ndiwe; Asi Jehovha akandibatsira. |
| 14. | Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu; Iye akava muponesi wangu. |
| 15. | inzwi rokufara nerokuponeswa riri mumatende avakarurama; Ruoko rworudyi rwaJehovha runokunda. |
| 16. | Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakasimudzwa, Ruoko rworudyi rwaJehovha runokunda. |
| 17. | Handingafi, asi ndichararama, Ndichadudzira mabasa aJehovha. |
| 18. | Kundiranga Jehovha akandiranga; Asi haana kundiisa pakufa. |
| 19. | Ndizarurirei masuo okururama; Ndichapinda nawo, ndivonge Jehovha. |
| 20. | iri ndiro suo raJehovha; Vakarurama vachipinda naro. |
| 21. | Ndichakuvongai, nokuti makandipindura, Mukava muponesi wangu. |
| 22. | Ibwe rakaraswa navavaki Ndiro rakazova musoro wekona. |
| 23. | Ichi chinhu chakabva kuna Jehovha; Zvinoshamisa kana tichizviona. |
| 24. | Rino izuva rakaitwa naJehovha; Ngatifare kwazvo tirifarire. |
| 25. | Tiponesei zvino, Jehovha ndizvo zvatinonyengetera; Jehovha, tipei mufaro ndizvo zvatinonyengetera. |
| 26. | Akaropafadzwa iye anouya nezita raJehovha; Takaropafadzwa tiri mumba maJehovha. |
| 27. | Jehovha ndiye Mwari, ndiye akativhenekera; Sungirai chibayiro namabote ipo panyanga dzearitari pamene. |
| 28. | Imi muri Mwari wangu, ndichakuvongai; Muri Mwari wangu, ndichakukudzai. |
| 29. | Vongai Jehovha; nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. |
| ← Psalms (118/150) → |