Psalms (116/150)  

1. Ndinoda Jehovha, nokuti anonzwa inzwi rangu nokukumbira kwangu.
2. Zvaakarereka nzeve yake kwandiri, Ndichadana kwaari mazuva angu ose.
3. Misungo yorufu yakandikomba, Kurwadziwa kweSheori kwakandibata; Ndakawana kutambudzika nokuchema.
4. Ipapo ndakadana zita raJehovha; Haiwa Jehovha, ndinonyengetera kuti murwire mweya wangu.
5. Jehovha anenyasha, akarurama; Zvirokwazvo, Mwari wedu ane tsitsi.
6. Jehovha anochengeta vasina mano; Ndakanga ndashaiwa simba, iye akandiponesa.
7. Dzokera kuzororo rako, mweya wangu; Nokuti Jehovha akakuitira zvakanaka.
8. Nokuti makarwira mweya wangu parufu; Nameso angu pamisodzi, Netsoka dzangu pakugumburwa.
9. Ndichafamba pamberi paJehovha Panyika yavapenyu.
10. Ndakatenda pakutaura kwangu, ndichiti, "Ndakamanikidzwa kwazvo,"
11. Ndakati pakuvhunduka kwangu, "Vanhu vose vanoreva nhema."
12. Ndichavigireiko Jehovha Pamusoro pemikomborero yake yose kwandiri?
13. Ndichasimudza mukombe wokuponeswa, Ndichidana zita raJehovha.
14. Ndicharipira Jehovha mhiko dzangu, Ndichazviita pamberi pavanhu vake vose.
15. Chinhu chinokosha pamberi paJehovha, Ndirwo rufu rwavatsvene vake.
16. Haiwa Jehovha, zvirokwazvo ndiri muranda wenyu; Ndiri muranda wenyu, mwanakomana womurandakadzi wenyu; Makasunungura misungo yangu.
17. Ndichakubayirai zvibayiro zvokuvonga, Ndichidana zita raJehovha.
18. Ndicharipira Jehovha mhiko dzangu, Ndichazviita pamberi pavanhu vake vose;
19. Pavazhe dzeimba yaJehovha, Mukati mako, iwe Jerusaremu. Hareruya!

  Psalms (116/150)