| ← Psalms (115/150) → |
| 1. | Isu kwete, Jehovha, isu kwete, Asi zita renyu ngarikudzwe, Nokuda kwengoni dzenyu, uye nokuda kwokutendeka kwenyu. |
| 2. | Vahedheni vachareverei, vachiti, "Ko Mwari wavo zvino uripi?" |
| 3. | Asi Mwari wedu ari kudenga-denga; Akaita zvose zvaakada. |
| 4. | Zvifananidzo zvavo sirivha nendarama, Basa ramaoko avanhu. |
| 5. | Zvinemiromo, asi hazvitauri; nameso zvinawo, asi hazvioni; |
| 6. | Zvinenzeve, asi hazvinzwi; Nemhino zvinadzo, asi hazvinhuwidzi; |
| 7. | zvina maoko, asi hazvibati; Namakumbo zvinawo, asi hazvifambi; Hazvitauri napahuro pazvo. |
| 8. | Ivo vanozviita vachafanana nazvo; Zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo. |
| 9. | lwe Isiraeri, vimba naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo. |
| 10. | Iwe imba yaAroni, vimba naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo. |
| 11. | Imi munotya Jehovha, vimbai naJehovha; Ndiye mubatsiri wavo nenhovo yavo. |
| 12. | Jehovha akatirangarira; iye achatiropafadza; Acharopafadza imba yaIsiraeri, Acharopafadza imba yaAroni. |
| 13. | Acharopafadza vanotya Jehovha, Vaduku navakuru vose. |
| 14. | Jehovha acharamba achikuwanzai, Imi navana venyu. |
| 15. | Imi makaropafadzwa naJehovha, Iye akaita kudenga napasi. |
| 16. | Kudenga-denga ndiko kudenga-denga kwaJehovha; Asi pasi akapa vanakomana vavanhu. |
| 17. | Vakafa havarumbidzi Jehovha, Kunyange ani naani anoburukira kwakanyarara; |
| 18. | Asi isu hedu tichakudza Jehovha Kubva panguva ino kusvika pakusingaperi. Hareruya! |
| ← Psalms (115/150) → |