| ← Psalms (113/150) → |
| 1. | Hareruya! Rumbidzai, imi varanda vaJehovha, Rumbidzai zita raJehovha. |
| 2. | Zita raJehovha ngarikudzwe Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi. |
| 3. | Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro Zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa. |
| 4. | Jehovha uri kumusoro kwavahedheni vose, Nokubwinya kwake kumusoro kwokudenga-denga. |
| 5. | Ndianiko akafanana naJehovha Mwari wedu, Iye anogara kumusoro, |
| 6. | Iye anozvidukupisa kuti aone Zviri kudenga napasi? |
| 7. | Anosimudza murombo abve muguruva, anomumutsa abve padurunhuru; |
| 8. | Kuti amugarise pamwechete namachinda, Iwo machinda avanhu vake. |
| 9. | Anogarisa mukadzi asingabereki mumba,ave mai vanofara navana. Hareruya |
| ← Psalms (113/150) → |