| ← Psalms (112/150) → |
| 1. | Hareruya! Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha, Anofarira zvikuru mirairo yake. |
| 2. | Vana vake vachava nesimba pasi; Rudzi rwowakarurama rucharopafadzwa. |
| 3. | fuma nezvakawanda zviri mumba make; Kururama kwake kunogara nokusingaperi. |
| 4. | Akarurama anobudirwa nechiedza parima; Iye anenyasha, netsitsi nokururama. |
| 5. | Ane mufaro munhu uyo anoita nenyasha, anopa chikwerete, Acharuramisirwa mhaka yake pakutonga. |
| 6. | Nokuti haangatongozununguswi; Akarurama acharamba achirangarirwa nokusingaperi. |
| 7. | Haangatyi mashoko ezvinhu zvakaipa; moyo wake wakasimba, uchavimba naJehovha. |
| 8. | moyo wake wakasimbiswa, haangatyi, Kusvikira aona kukundwa kwavadzivisi vake. |
| 9. | Akaparadzira, akapa vashaiwi; Kururama kwake kunogara nokusingaperi; Runyanga rwake ruchakwiridzwa nokukudzwa. |
| 10. | Akaipa achazviona, ndokufa neshungu; Achageda-geda meno ake, ndokunyauka; Kuda kwowakaipa kuchaparara. |
| ← Psalms (112/150) → |