Psalms (112/150)  

1. Hareruya! Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha, Anofarira zvikuru mirairo yake.
2. Vana vake vachava nesimba pasi; Rudzi rwowakarurama rucharopafadzwa.
3. fuma nezvakawanda zviri mumba make; Kururama kwake kunogara nokusingaperi.
4. Akarurama anobudirwa nechiedza parima; Iye anenyasha, netsitsi nokururama.
5. Ane mufaro munhu uyo anoita nenyasha, anopa chikwerete, Acharuramisirwa mhaka yake pakutonga.
6. Nokuti haangatongozununguswi; Akarurama acharamba achirangarirwa nokusingaperi.
7. Haangatyi mashoko ezvinhu zvakaipa; moyo wake wakasimba, uchavimba naJehovha.
8. moyo wake wakasimbiswa, haangatyi, Kusvikira aona kukundwa kwavadzivisi vake.
9. Akaparadzira, akapa vashaiwi; Kururama kwake kunogara nokusingaperi; Runyanga rwake ruchakwiridzwa nokukudzwa.
10. Akaipa achazviona, ndokufa neshungu; Achageda-geda meno ake, ndokunyauka; Kuda kwowakaipa kuchaparara.

  Psalms (112/150)