Psalms (111/150)  

1. Hareruya! Ndichavonga Jehovha nomoyo wangu wose, Parangano yavakarurama, napaungano.
2. Mabasa aJehovha makuru, Anocherechedzwa navose vanoafarira.
3. Basa rake rinoratidza kukudzwa noumambo; Kururama kwake kunogara nokusingaperi.
4. Mabasa ake, anoshamisa, wakaaita chiyeudziro; Jehovha anenyasha netsitsi.
5. Akapa zvokudya vanomutya; Acharangarira sungano yake nokusingaperi.
6. Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake, Zvaakavapa nhaka yavahedheni.
7. Mabasa amaoko ake izvokwadi nokururamisira; Mirairo yake yose yakasimba.
8. Yakasimbiswa nokusingaperi-peri, Yakaitwa nezvokwadi nokururama.
9. Akatumira vanhu vake rudzikunuro; Akaraira sungano yake nokusingaperi; Zita rake idzvene rinotyisa.
10. Kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri; Vose vanozviita vanomurangariro wakanaka; Kurumbidzwa kwake kunogara nokusingaperi.

  Psalms (111/150)