Psalms (110/150)  

1. Jehovha akati kuna She wangu, "Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako."
2. Jehovha achatambanudza tsvimbo yesimba rako ribude paZiyoni, achiti, "Bata ushe pakati pavavengi vako."
3. Vanhu vako vachazviisa nomoyo wose pazuva rauchaunganidza hondo yako, Nenguva tsvene, pachizvaro chamangwanani, Ndipo pane dova rohujaya hwako.
4. Jehovha akapika, haangazvidembi, achiti, "Iwe uri mupirisiti nokusingaperi. Unorudzi naMerikizedheki."
5. Ishe parudyi rwako Achaparadza madzimambo pazuva rokutsamwa kwake.
6. Iye achatonga pakati pavahedheni, Achazadza nyika nezvitunha; Achaparadza misoro panyika zhinji.
7. Achanwa parukova panzira; Saka achasimudza musoro wake.

  Psalms (110/150)