Psalms (11/150)  

1. Ndinovimba naJehovha; Munoreva seiko kumweya wangu, muchiti, "Tizira kugomo rako seshiri?
2. Nokuti, tarira, vakaipa vanohwembura uta, Vanogadzira museve wavo parukungiso, Kuti vafure anomoyo wakarurama parima.
3. Kana nheyo dzakaparadzwa, Akarurama angaiteiko?"
4. Jehovha uri mutemberi yake tsvene, Iye Jehovha, chigaro chake choushe chiri kudenga; Meso ake anotarira, mafungiro ameso ake anoidza vana vavanhu.
5. Jehovha anoidza vakarurama; Asi mweya wake unovenga wakaipa neanomanikidza.
6. Achanisira misungo pamusoro pavakaipa; Moto nesuriferi nemhepo inopisa, ndiwo uchava mukombe wavo wavakagoverwa.
7. Nokuti Jehovha akarurama; anoda zvakarurama; Vakarurama vachaona chiso chake.

  Psalms (11/150)