| ← Psalms (11/150) → |
| 1. | Ndinovimba naJehovha; Munoreva seiko kumweya wangu, muchiti, "Tizira kugomo rako seshiri? |
| 2. | Nokuti, tarira, vakaipa vanohwembura uta, Vanogadzira museve wavo parukungiso, Kuti vafure anomoyo wakarurama parima. |
| 3. | Kana nheyo dzakaparadzwa, Akarurama angaiteiko?" |
| 4. | Jehovha uri mutemberi yake tsvene, Iye Jehovha, chigaro chake choushe chiri kudenga; Meso ake anotarira, mafungiro ameso ake anoidza vana vavanhu. |
| 5. | Jehovha anoidza vakarurama; Asi mweya wake unovenga wakaipa neanomanikidza. |
| 6. | Achanisira misungo pamusoro pavakaipa; Moto nesuriferi nemhepo inopisa, ndiwo uchava mukombe wavo wavakagoverwa. |
| 7. | Nokuti Jehovha akarurama; anoda zvakarurama; Vakarurama vachaona chiso chake. |
| ← Psalms (11/150) → |