Psalms (109/150)  

1. Regai kunyarara, Mwari wokurumbidza kwangu;
2. Nokuti vakandishamisira muromo wowakaipa, uye muromo unonyengedzera; Vakandireva norurimi rune nhema.
3. Vakandikombawo namashoko embengo, Vakarwa neni pasina mhosva.
4. Pakuvada kwangu vava vadzivisi vangu; Asi ini ndinonyengetera hangu.
5. Vakanditsivira zvakaipa pane zvakanaka, zvandakavaitira, Nembengo pakuvada kwangu.
6. Isai munhu akaipa ave ishe wake; Mudzivisi ngaamire paruoko rwake rworudyi.
7. Kana achitongwa, ngaapiwe mhosva; Munyengetero wake ngaushandurwe zvivi.
8. Mazuva ake ngaave mashoma; Mumwe ngaatore basa rake.
9. Vana vake ngavave nherera, Uye mukadzi wake ngaave chirikadzi.
10. Vana vake ngavave vadzungairi, navapemhi; Ngavatsvake zvokudya kure namatongo avo.
11. Waakadyira chikwerete ngaatore zvose zvaanazvo; Vatorwa ngavapambe zvose zvaakabatira.
12. Ngakushaikwe munhu anomunzwira ngoni; Ngakushaikwe munhu anetsitsi nenherera dzake.
13. Vana vake ngavarove; Zita ravo ngaridzimwe parudzi runotevera.
14. Zvakaipa zvamadzibaba ake ngazvirangarirwe naJehovha; Zvivi zvamai vake ngazvirege kudzimwa.
15. Ngazvirambe zviri pamberi paJehovha nguva dzose, Kuti aparadze kurangarirwa kwavo pasi.
16. Nemhaka yokuti haana kurangarira kunzwira ngoni, Asi wakatambudza murombo nomushaiwi, Neanomoyo wakaputsika, kuti avauraye.
17. Zvirokwazvo, kutuka ndizvo zvaakada, zvikauyawo kwaari; Kukomborera haana kukufarira kukagara kure naye.
18. Akazvifukidzawo nokutuka, zvikaita senguvo yake, Zvikapinda mukati make semvura, Samafuta mumapfupa ake.
19. Ngazvive kwaari sechisimiro chaanofukidza nacho, Segwarada raakazvisunga naro nguva dzose.
20. Uyu ndiwo mubayiro wavadzivisi vangu, unobva kuna Jehovha, Nowavanotaurira mweya wangu zvakaipa.
21. Asi imi Jehovha Ishe, ndiitirei zvakanaka nokuda kwezita renyu; Ngoni dzenyu zvadzakanaka, ndirwirei.
22. Nokuti ndiri murombo nomushaiwi, Nomoyo wangu wakakuvadzwa mukati mangu.
23. Ndaenda somumvuri wareba; Ndapepereswa semhashu.
24. Mabvi angu haachine simba nokuzvinyima zvokudya; Nyama yangu yaonda nokushaiwa mafuta.
25. Ndavawo chinhu chinozvidzwa navo; Kana vachindiona vanodzungudza misoro yavo.
26. Ndibatsirei, Jehovha, Mwari wangu; Ndiponesei nengoni dzenyu.
27. Kuti vazive kuti ndirwo ruoko rwenyu; Kuti imwi Jehovha, ndimwi makazviita.
28. Ngavatuke havo, asi imi ropafadzai; Kana vachisimuka, vachanyadziswa, asi muranda wenyu achafara kwazvo.
29. Vadzivisi vangu ngavafukidzwe nokunyadziswa, Ngavazvifukidze nokunyara kwavo sejasi.
30. Ndichavonga Jehovha kwazvo nomuromo wangu; Zvirokwazvo, ndichamurumbidza pakati pavazhinji.
31. Nokuti iye achamira kuruoko rworudyi rwomushaiwi, Kuti amuponese panavanotonga mweya wake.

  Psalms (109/150)