| ← Psalms (109/150) → |
| 1. | Regai kunyarara, Mwari wokurumbidza kwangu; |
| 2. | Nokuti vakandishamisira muromo wowakaipa, uye muromo unonyengedzera; Vakandireva norurimi rune nhema. |
| 3. | Vakandikombawo namashoko embengo, Vakarwa neni pasina mhosva. |
| 4. | Pakuvada kwangu vava vadzivisi vangu; Asi ini ndinonyengetera hangu. |
| 5. | Vakanditsivira zvakaipa pane zvakanaka, zvandakavaitira, Nembengo pakuvada kwangu. |
| 6. | Isai munhu akaipa ave ishe wake; Mudzivisi ngaamire paruoko rwake rworudyi. |
| 7. | Kana achitongwa, ngaapiwe mhosva; Munyengetero wake ngaushandurwe zvivi. |
| 8. | Mazuva ake ngaave mashoma; Mumwe ngaatore basa rake. |
| 9. | Vana vake ngavave nherera, Uye mukadzi wake ngaave chirikadzi. |
| 10. | Vana vake ngavave vadzungairi, navapemhi; Ngavatsvake zvokudya kure namatongo avo. |
| 11. | Waakadyira chikwerete ngaatore zvose zvaanazvo; Vatorwa ngavapambe zvose zvaakabatira. |
| 12. | Ngakushaikwe munhu anomunzwira ngoni; Ngakushaikwe munhu anetsitsi nenherera dzake. |
| 13. | Vana vake ngavarove; Zita ravo ngaridzimwe parudzi runotevera. |
| 14. | Zvakaipa zvamadzibaba ake ngazvirangarirwe naJehovha; Zvivi zvamai vake ngazvirege kudzimwa. |
| 15. | Ngazvirambe zviri pamberi paJehovha nguva dzose, Kuti aparadze kurangarirwa kwavo pasi. |
| 16. | Nemhaka yokuti haana kurangarira kunzwira ngoni, Asi wakatambudza murombo nomushaiwi, Neanomoyo wakaputsika, kuti avauraye. |
| 17. | Zvirokwazvo, kutuka ndizvo zvaakada, zvikauyawo kwaari; Kukomborera haana kukufarira kukagara kure naye. |
| 18. | Akazvifukidzawo nokutuka, zvikaita senguvo yake, Zvikapinda mukati make semvura, Samafuta mumapfupa ake. |
| 19. | Ngazvive kwaari sechisimiro chaanofukidza nacho, Segwarada raakazvisunga naro nguva dzose. |
| 20. | Uyu ndiwo mubayiro wavadzivisi vangu, unobva kuna Jehovha, Nowavanotaurira mweya wangu zvakaipa. |
| 21. | Asi imi Jehovha Ishe, ndiitirei zvakanaka nokuda kwezita renyu; Ngoni dzenyu zvadzakanaka, ndirwirei. |
| 22. | Nokuti ndiri murombo nomushaiwi, Nomoyo wangu wakakuvadzwa mukati mangu. |
| 23. | Ndaenda somumvuri wareba; Ndapepereswa semhashu. |
| 24. | Mabvi angu haachine simba nokuzvinyima zvokudya; Nyama yangu yaonda nokushaiwa mafuta. |
| 25. | Ndavawo chinhu chinozvidzwa navo; Kana vachindiona vanodzungudza misoro yavo. |
| 26. | Ndibatsirei, Jehovha, Mwari wangu; Ndiponesei nengoni dzenyu. |
| 27. | Kuti vazive kuti ndirwo ruoko rwenyu; Kuti imwi Jehovha, ndimwi makazviita. |
| 28. | Ngavatuke havo, asi imi ropafadzai; Kana vachisimuka, vachanyadziswa, asi muranda wenyu achafara kwazvo. |
| 29. | Vadzivisi vangu ngavafukidzwe nokunyadziswa, Ngavazvifukidze nokunyara kwavo sejasi. |
| 30. | Ndichavonga Jehovha kwazvo nomuromo wangu; Zvirokwazvo, ndichamurumbidza pakati pavazhinji. |
| 31. | Nokuti iye achamira kuruoko rworudyi rwomushaiwi, Kuti amuponese panavanotonga mweya wake. |
| ← Psalms (109/150) → |