| ← Psalms (108/150) → |
| 1. | moyo wangu wakasimba, Mwari; Ndichaimba, zvirokwazvo, ndichaimba nziyo dzokurumbidza, nomweya wangu wose. |
| 2. | Muka iwe mutengeranwa nembira; Ini ndimene ndichamuka mangwanani. |
| 3. | Ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi dzavanhu; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza pakati pavahedheni. |
| 4. | Nokuti ngoni dzenyu ihuru kumusoro kwokudenga-denga, Uye zvokwadi yenyu inosvikira kudenga rose. |
| 5. | Imi mukudzwe Mwari, kumusoro kwokudenga-denga; Kurumbidzwa kwenyu ngakuve kumusoro kwapasi pose. |
| 6. | Kuti vadikanwi venyu varwirwe, Tiponesei noruoko rwenyu rworudyi, mutipindure. |
| 7. | Mwari akataura pautsvene hwake, achiti, "Ndichafara kwazvo; Ndichaganhura Shekemu, ndichayera mupata weSukoti. |
| 8. | Giriyadhi ndeyangu naManase ndeyangu; Efuremuwo inhaviro yomusoro wangu; Judha ndiyo tsvimbo yangu youshe. |
| 9. | Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambidzira; Pamusoro peEdhomu ndipo pandichakandira shangu yangu; Ndichapururudza nokuda kwaFirisitia." |
| 10. | Ndianiko achandiisa muguta rakakombwa namasvingo? Ndianiko achandiperekedza ndiende Edhomu? |
| 11. | Hamuna kutirasha here, Mwari? Hamubudi Mwari, nehondo dzedu. |
| 12. | Tibatsirei pamudzivisi wedu; Nokuti kubatsira kwavanhu hakuna maturo. |
| 13. | MunaMwari tichaita noumhare; Nokuti ndiye achatsika vadzivisi vedu pasi. |
| ← Psalms (108/150) → |