Psalms (108/150)  

1. moyo wangu wakasimba, Mwari; Ndichaimba, zvirokwazvo, ndichaimba nziyo dzokurumbidza, nomweya wangu wose.
2. Muka iwe mutengeranwa nembira; Ini ndimene ndichamuka mangwanani.
3. Ndichakuvongai Jehovha, pakati pendudzi dzavanhu; Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza pakati pavahedheni.
4. Nokuti ngoni dzenyu ihuru kumusoro kwokudenga-denga, Uye zvokwadi yenyu inosvikira kudenga rose.
5. Imi mukudzwe Mwari, kumusoro kwokudenga-denga; Kurumbidzwa kwenyu ngakuve kumusoro kwapasi pose.
6. Kuti vadikanwi venyu varwirwe, Tiponesei noruoko rwenyu rworudyi, mutipindure.
7. Mwari akataura pautsvene hwake, achiti, "Ndichafara kwazvo; Ndichaganhura Shekemu, ndichayera mupata weSukoti.
8. Giriyadhi ndeyangu naManase ndeyangu; Efuremuwo inhaviro yomusoro wangu; Judha ndiyo tsvimbo yangu youshe.
9. Moabhu ndiwo mudziyo wangu wokushambidzira; Pamusoro peEdhomu ndipo pandichakandira shangu yangu; Ndichapururudza nokuda kwaFirisitia."
10. Ndianiko achandiisa muguta rakakombwa namasvingo? Ndianiko achandiperekedza ndiende Edhomu?
11. Hamuna kutirasha here, Mwari? Hamubudi Mwari, nehondo dzedu.
12. Tibatsirei pamudzivisi wedu; Nokuti kubatsira kwavanhu hakuna maturo.
13. MunaMwari tichaita noumhare; Nokuti ndiye achatsika vadzivisi vedu pasi.

  Psalms (108/150)