| ← Psalms (107/150) → |
| 1. | "Vongai Jehovha, nokuti iye wakanaka; nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaoeri" |
| 2. | Vakadzikunurwa naJehovha ngavadaro, Ivo vakadzikunurwa muruvoko rwomudzivisi; |
| 3. | Akavavunganidza panyika dzose kumabvazuva nekumavirira, kumusoro nezasi. |
| 4. | vakafamba-famba murenje munzira yomugwenga;Havana kuwana muguta mavangagara |
| 5. | vakafa nenzara nenyota,Mweya yavo ikaziya mukati mavo. |
| 6. | Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, Iye akavarwira panjodzi dzavo. |
| 7. | Wakavafambisawo nenzira yakarurama, Kuti vasvike kuguta rokugara. |
| 8. | Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu! |
| 9. | Nokuti anogutisa mweya, une nyota, Uye mweya, une nzara, anouzadza nezvakanaka. |
| 10. | Ndivo, vakanga vagere murima nomumvuri worufu, Vakanga vakasungwa mukutambudzika namatare, |
| 11. | Nokuti vakamukira mashoko aMwari, Vakashora zano roWokumusorosoro; |
| 12. | Saka wakaninipisa moyo yavo nokutambura; Vakawira pasi, kukasava nomunhu anobatsira. |
| 13. | Ipapo vakachema kuna Jehovha panhamo yavo, Akavaponesa pamatambudziko avo. |
| 14. | Akavabudisa parima nomumvuri worufu, Akadamburanya zvisungo zvavo. |
| 15. | Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu! |
| 16. | Nokuti wakavhuna masuo endarira, Nokuguranya mazariro amatare. |
| 17. | Mapenzi anotambudzika nokuda kwokudarika kwavo, Uye nokuda kwazvakaipa zvavo. |
| 18. | Mweya wavo unosema zvokudya zvose; Vanoswedera pedo namasuo orufu. |
| 19. | Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye anovaponesa pamatambudziko avo. |
| 20. | Anotuma shoko rake, ndokuvaporesa, Nokuvarwira pakuparadzwa kwavo. |
| 21. | Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu! |
| 22. | Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, Nokududzira mabasa ake nokuimba. |
| 23. | Avo, vanoburukira kugungwa muzvikepe, Vanoshambadzira kumvura zhinji; |
| 24. | Ndivo vanoona mabasa aJehovha, Nezvishamiso zvake pakadzika. |
| 25. | Nokuti anoraira, ndokumutsa dutu guru, Rinomutsa mafungu aro. |
| 26. | Vanosimudzirwa kudenga; ndokuburukirazve pakadzika; Mweya wavo unonyauka nokuda kwenhamo. |
| 27. | Vanondeya-ndeya nokudzengedzeka somunhu akabatwa. Vapera mano. |
| 28. | Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye ndokuvabudisa pamatambudziko avo. |
| 29. | Anonyaradza dutu remhepo, Mafungu aro ndokunyarara. |
| 30. | Ipapo vanofara nokuti anyarara; Zvino iye ndokuvasvitsa pakadzikama pavaida kuvapo. |
| 31. | Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vavanhu!. |
| 32. | Ngavamukudzisewo paungano yavanhu, Vamurumbidze pamakurukota avakuru. |
| 33. | Anoshandura nzizi dzikaita renje, Namatsime emvura aite nyika yakaoma; |
| 34. | Nyika, inobereka zvakanaka, ive sango rebare, Nokuda kwezvakaipa zvavanogara mairi. |
| 35. | Anoshandura renje riite dziva remvura, Nenyika yakaoma iite matsime emvura. |
| 36. | Ndipapo paanogarisa vane nzara, Kuti vamutse guta rokugaramo; |
| 37. | Vadzvare minda, vasime minda yemizambiringa, Vawane zvibereko zvizhinji. |
| 38. | Akavaropafadzawo, vakawanda kwazvo; Akasatendera zvipfuwo zvavo kutapudzwa. |
| 39. | Zvino vakatapudzika nokuva vashoma. Nemhaka yokumanikidzwa, nenhamo, nokuzvidya moyo. |
| 40. | Anodurura kuzvidza pamusoro pamachinda, Achivadzungaidza murenje musina nzira. |
| 41. | Kunyange zvakadaro, anogadza mushaiwi kumusoro kusina dambudziko, Achimumutsira mhuri samapoka amakwai. |
| 42. | Akarurama achazviona, akafara; Uye zvakaipa zvose zvichadzivirwa muromo wazvo. |
| 43. | Ani naani akachenjera achacherekedza zvinhu izvozvi, Vachafunga unyoro hwaJehovha. Mwari Mubatsiri wedu |
| ← Psalms (107/150) → |