Psalms (107/150)  

1. "Vongai Jehovha, nokuti iye wakanaka; nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaoeri"
2. Vakadzikunurwa naJehovha ngavadaro, Ivo vakadzikunurwa muruvoko rwomudzivisi;
3. Akavavunganidza panyika dzose kumabvazuva nekumavirira, kumusoro nezasi.
4. vakafamba-famba murenje munzira yomugwenga;Havana kuwana muguta mavangagara
5. vakafa nenzara nenyota,Mweya yavo ikaziya mukati mavo.
6. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, Iye akavarwira panjodzi dzavo.
7. Wakavafambisawo nenzira yakarurama, Kuti vasvike kuguta rokugara.
8. Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!
9. Nokuti anogutisa mweya, une nyota, Uye mweya, une nzara, anouzadza nezvakanaka.
10. Ndivo, vakanga vagere murima nomumvuri worufu, Vakanga vakasungwa mukutambudzika namatare,
11. Nokuti vakamukira mashoko aMwari, Vakashora zano roWokumusorosoro;
12. Saka wakaninipisa moyo yavo nokutambura; Vakawira pasi, kukasava nomunhu anobatsira.
13. Ipapo vakachema kuna Jehovha panhamo yavo, Akavaponesa pamatambudziko avo.
14. Akavabudisa parima nomumvuri worufu, Akadamburanya zvisungo zvavo.
15. Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!
16. Nokuti wakavhuna masuo endarira, Nokuguranya mazariro amatare.
17. Mapenzi anotambudzika nokuda kwokudarika kwavo, Uye nokuda kwazvakaipa zvavo.
18. Mweya wavo unosema zvokudya zvose; Vanoswedera pedo namasuo orufu.
19. Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye anovaponesa pamatambudziko avo.
20. Anotuma shoko rake, ndokuvaporesa, Nokuvarwira pakuparadzwa kwavo.
21. Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!
22. Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, Nokududzira mabasa ake nokuimba.
23. Avo, vanoburukira kugungwa muzvikepe, Vanoshambadzira kumvura zhinji;
24. Ndivo vanoona mabasa aJehovha, Nezvishamiso zvake pakadzika.
25. Nokuti anoraira, ndokumutsa dutu guru, Rinomutsa mafungu aro.
26. Vanosimudzirwa kudenga; ndokuburukirazve pakadzika; Mweya wavo unonyauka nokuda kwenhamo.
27. Vanondeya-ndeya nokudzengedzeka somunhu akabatwa. Vapera mano.
28. Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye ndokuvabudisa pamatambudziko avo.
29. Anonyaradza dutu remhepo, Mafungu aro ndokunyarara.
30. Ipapo vanofara nokuti anyarara; Zvino iye ndokuvasvitsa pakadzikama pavaida kuvapo.
31. Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vavanhu!.
32. Ngavamukudzisewo paungano yavanhu, Vamurumbidze pamakurukota avakuru.
33. Anoshandura nzizi dzikaita renje, Namatsime emvura aite nyika yakaoma;
34. Nyika, inobereka zvakanaka, ive sango rebare, Nokuda kwezvakaipa zvavanogara mairi.
35. Anoshandura renje riite dziva remvura, Nenyika yakaoma iite matsime emvura.
36. Ndipapo paanogarisa vane nzara, Kuti vamutse guta rokugaramo;
37. Vadzvare minda, vasime minda yemizambiringa, Vawane zvibereko zvizhinji.
38. Akavaropafadzawo, vakawanda kwazvo; Akasatendera zvipfuwo zvavo kutapudzwa.
39. Zvino vakatapudzika nokuva vashoma. Nemhaka yokumanikidzwa, nenhamo, nokuzvidya moyo.
40. Anodurura kuzvidza pamusoro pamachinda, Achivadzungaidza murenje musina nzira.
41. Kunyange zvakadaro, anogadza mushaiwi kumusoro kusina dambudziko, Achimumutsira mhuri samapoka amakwai.
42. Akarurama achazviona, akafara; Uye zvakaipa zvose zvichadzivirwa muromo wazvo.
43. Ani naani akachenjera achacherekedza zvinhu izvozvi, Vachafunga unyoro hwaJehovha. Mwari Mubatsiri wedu

  Psalms (107/150)