| ← Psalms (106/150) → |
| 1. | Hareruya. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi. |
| 2. | Ndianiko angareva zvinhu zvine simba zvakaitwa naJehovha, Kana kududzira kurumbidza kwake kwose? |
| 3. | Vakaropafadzwa vanochengeta kururama, Naiye anoita zvakarurama nguva dzose. |
| 4. | Ndirangarirei Jehovha, nounyoro hwamunahwo kuvanhu venyu; Ndishanyirei noruponeso rwenyu. |
| 5. | Kuti ndione kukomborerwa kwavasanangurwa venyu, Kuti ndifare kwazvo nomufaro wavanhu venyu, Kuti ndirumbidze pamwechete nenhaka yenyu. |
| 6. | Takatadza pamwechete namadzibaba edu, Takaita pamwechete namadzibaba edu, Takaita zvisina kururama, takaita zvakaipa. |
| 7. | Madzibaba edu haana kunzwisisa zvishamiso zvenyu paIjipiti; Haana kurangarira ngoni dzenyu zhinji; Asi vakakumukirai pagungwa, ipo paGungwa Dzvuku. |
| 8. | Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake, Kuti azivise simba rake guru. |
| 9. | Akarairawo Gungwa Dzvuku, rikapwa, Akavafambisa pakadzika sapanenge pabani. |
| 10. | Akavaponesa paruoko rwowaivavenga. Akavadzikunura paruoko rwomuvengi. |
| 11. | Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo; Kwakanga kusina nomumwe wavo akasara. |
| 12. | Ipapo vakatenda mashoko ake; Vakaimba vachimurumbidza. |
| 13. | Vakachimbidzika kukanganwa mabasa ake; Havana kurindira zano rake. |
| 14. | Asi vakachiva kwazvo-kwazvo murenje, Vakaidza Mwari mugwenga. |
| 15. | Akavapa chavakakumbira; Asi akatuma kuonda mumweya yavo. |
| 16. | Vakagodora Mozisi pamisasa, NaAroni, mutsvene waJehovha. |
| 17. | Pasi pakashama pakamedza Dhatani, Pakafukidza boka raAbhirami. |
| 18. | Moto ukapfuta pakati peboka ravo; Murazvo ukapisa vakaipa. |
| 19. | Vakaita mhuru paHorebhi, Vakanamata mufananidzo wakaumbwa. |
| 20. | Vakatsinhana saizvozvo kubwinya kwavo Nomufananidzo wemombe, inochera bundo. |
| 21. | Vakakanganwa Mwari muponesi wavo, Wakaita zvinhu zvikuru paIjipiti; |
| 22. | Mabasa anoshamisa munyika yaHamu, Nezvinhu zvinotyisa paGungwa Dzvuku. |
| 23. | Saka akati, "Ndinoda kuvaparadza; Dai Mozisi musanangurwa wake asina kumira pamberi pake ipo pakaputsika, Kuti adzore kutsamwa kwake, arege kuvaparadza." |
| 24. | Zvirokwazvo, vakazvidza nyika inofadza, Havana kutenda shoko rake; |
| 25. | Asi vakanyunyuta mumatende avo, Vakasateerera inzwi raJehovha. |
| 26. | Saka wakavasimudzira ruoko rwake. Kuti avaparadze murenje; |
| 27. | Uye kuti aparadze vana vavo pakati pavahedheni. Avaparadzire panyika dzose. |
| 28. | Vakazvibatanidzawo naBhaaripeori, Vakadya zvakabayirwa vakafa. |
| 29. | Naizvozvo vakamutsamwisa nezvavakaita; Denda ndokupinda pakati pavo. |
| 30. | Ipapo Pinehasi akasimuka, akaita zvakarurama; Denda ndokuguma. |
| 31. | Izvozvo zvikanzi kwaari kururama, Kusvikira kumarudzi namarudzi nokusingaperi. |
| 32. | Vakamutsamwisawo pamvura zhinji yeMeribha, Naizvozvo Mozisi akaoneswa nhamo nokuda kwavo; |
| 33. | Nokuti vakamukira mweya wake, Iye akataura nehasha nemiromo yake. |
| 34. | Havana kuparadza ndudzi dzavanhu, Sezvavakanga varairwa naJehovha, |
| 35. | Asi vakavengana navahedheni, Vakadzidza mabasa avo; |
| 36. | Vakashumira zvifananidzo zvavo; Izvo zvikava musungo kwavari. |
| 37. | Zvirokwazvo, vakabayira mweya yakaipa vanakomana vavo navanasikana vavo, |
| 38. | Vakateura ropa risina mhosva, iro ravanakomana vavo navanasikana vavo, Vakavabayira zvifananidzo zveKanani; Nyika ikasvibiswa neropa. |
| 39. | Vakasvibiswa saizvozvo namabasa avo, Vakapata pane zvavakaita. |
| 40. | Saka kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vanhu vake, Akasema nhaka yake. |
| 41. | Akavaisa muruoko rwavahedheni; Vakavavenga ndivo vaivabata. |
| 42. | Vavengi vavo vakavamanikidzawo, Vakaiswa pasi poruoko rwavo. |
| 43. | Akavarwira kazhinji, Asi vakamumukira pakurangana kwavo, Vakanyudzwa muzvakaipa zvavo. |
| 44. | Kunyange zvakadaro akatarira kutambudzika kwavo, Panguva yaakanzwa kuchema kwavo; |
| 45. | Akarangarira sungano yake nokuda kwavo, Akazvidemba nokuda kwokuwanda kwengoni dzake. |
| 46. | Akavanzwisawo tsitsi Navose vakanga vavatapa. |
| 47. | Tiponesei, Jehovha Mwari wedu, Tiunganidzei, tibve pakati pavahedheni, Kuti tivonge zita renyu dzvene, Tifarisise pakukurumbidzai. |
| 48. | Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, Kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Vanhu vose ngavati, "Ameni." Hareruya. |
| ← Psalms (106/150) → |