Psalms (105/150)  

1. Vongai Jehovha, mudane zita rake; Zivisai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu.
2. Muimbirei, mumuimbire nziyo dzokukudza; Rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa.
3. Zvirumbidzei muzita rake dzvene; moyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare kwazvo.
4. Tsvakai Jehovha nesimba rake; Tsvakai chiso chake nguva dzose.
5. Rangarirai mabasa ake anoshamisa, aakaita; Zvishamiso zvake, nezvaakatonga nomuromo wake;
6. Imi vana vaAbhurahamu, muranda wake, Imi vanakomana vaJakobho, vasanangurwa vake.
7. Ndiye Jehovha Mwari wedu; Zvaakatonga zviri pasi pose.
8. Wakarangarira sungano yake nokusingaperi, Iro shoko raakaraira kumarudzi ane chiuru;
9. Iyo sungano yaakaita naAbhurahamu, Nemhiko yake kuna Isaka.
10. Akazvisimbisira Jakobho, kuti uve mutemo, Kuna Isiraeri kuti ive sungano isingaperi;
11. Achiti, "Ndichakupa iwe nyika yeKanani, Uve mugove wenhaka yenyu;"
12. Panguva yavakanga vachiri varume vashoma pakuverengwa, Zvirokwazvo, vashoma kwazvo, navatorwa mairi;
13. Vakafamba-famba vachibva kuno rumwe rudzi vachienda kuno rumwe, Nokubva kunoumwe ushe vachienda kuna vamwe vanhu.
14. Haana kutendera munhu kuvaitira zvakaipa; Zvirokwazvo, wakatuka madzimambo nokuda kwavo;
15. Achiti, "Musagunzva vazodzwa vangu, Navaporofita vangu musavaitira chakaipa."
16. Akadana nzara kuti iuye panyika; Akavhuna mudonzvo wose wechingwa.
17. Akatuma murume pamberi pavo; Josefa akatengeswa akava muranda;
18. Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo zvesimbi, Akasungwa namaketani amatare;
19. Kusvikira panguva yakaitika shoko rake; Shoko raJehovha rakamuidza.
20. Mambo akatuma nhume akamusunungura; Mubati wendudzi dzavanhu, akamuregedza.
21. Akamuita ishe weimba yake, Nomubati wefuma yake yose;
22. Kuti araire machinda ake nokuda kwake, Nokudzidzisa vakuru vake huchenjeri.
23. Isiraeri akasvikawo Ijipiti, NaJakobho wakagara ari mutorwa panyika yaHamu.
24. Akawanza vanhu vake kwazvo, Akavapa simba rakapfuura ravadzivisi vavo.
25. Wakashandura moyo yavo kuti vavenge vanhu vake, Kuti vanyengere varanda vake.
26. Akatuma Mozisi muranda wake, NaAroni waakanga asanangura.
27. Ivo vakaratidza zviratidzo zvake pakati pavo, Nezvishamiso panyika yaHamu.
28. Akatuma rima, akaisvibisa; Vakasamukira mashoko ake.
29. Akashandura mvura yavo yose, ikaita ropa, Akauraya hove dzavo.
30. Nyika yavo yakazara namatatya, Mudzimba dzamadzimambo avo.
31. Akataura, mapupira enhunzi akasvika, Nenda panyika yavo yose.
32. Akavapa chimvuramabwe panzvimbo yemvura, Uye moto wakapfuta munyika yavo.
33. Wakarovawo mizambiringa yavo nemionde yavo; Akavhuna-vhunawo miti yenyika yavo
34. Akataura, mhashu dzikasvika, Namagwatakwata asingagoni kuverengwa.
35. Zvikapedza miriwo yose munyika yavo, Nokupedza zvibereko zvevhu ravo.
36. Akarovawo matangwe ose munyika yavo, Ivo vokutanga vesimba ravo rose.
37. Akavabudisa vane sirivha nendarama; Kwakanga kusina nomumwe pakati pamarudzi avo wakashaiwa simba.
38. Nyika yeIjipiti yakafara pakubva kwavo, Nokuti vakanga vabatwa nokutya nokuda kwavo.
39. Wakatatamura gore rikava chifukidzo; Nomoto kuzovhenekera usiku.
40. Vakakumbira, akauyisa zvihuta, Akavagutisa nechingwa chakabva kudenga.
41. Akazarura dombo, mvura zhinji ikadzutuka; Ikayerera pakanga pakaoma sorwizi.
42. Nokuti akarangarira shoko rake dzvene, NaAbhurahamu muranda wake.
43. Akabudisa vanhu vake nomufaro, Navasanangurwa vake vachiimba.
44. Akavapa nyika dzavahedheni; Vakazvitorera zvakanga zvabatwa nendudzi dzavanhu;
45. Kuti vachengete zvaakatema, Nokuteerera mirairo yake. Hareruya.

  Psalms (105/150)