| ← Psalms (105/150) → |
| 1. | Vongai Jehovha, mudane zita rake; Zivisai zvaakaita pakati pendudzi dzavanhu. |
| 2. | Muimbirei, mumuimbire nziyo dzokukudza; Rondedzerai mabasa ake ose anoshamisa. |
| 3. | Zvirumbidzei muzita rake dzvene; moyo yavanotsvaka Jehovha ngaifare kwazvo. |
| 4. | Tsvakai Jehovha nesimba rake; Tsvakai chiso chake nguva dzose. |
| 5. | Rangarirai mabasa ake anoshamisa, aakaita; Zvishamiso zvake, nezvaakatonga nomuromo wake; |
| 6. | Imi vana vaAbhurahamu, muranda wake, Imi vanakomana vaJakobho, vasanangurwa vake. |
| 7. | Ndiye Jehovha Mwari wedu; Zvaakatonga zviri pasi pose. |
| 8. | Wakarangarira sungano yake nokusingaperi, Iro shoko raakaraira kumarudzi ane chiuru; |
| 9. | Iyo sungano yaakaita naAbhurahamu, Nemhiko yake kuna Isaka. |
| 10. | Akazvisimbisira Jakobho, kuti uve mutemo, Kuna Isiraeri kuti ive sungano isingaperi; |
| 11. | Achiti, "Ndichakupa iwe nyika yeKanani, Uve mugove wenhaka yenyu;" |
| 12. | Panguva yavakanga vachiri varume vashoma pakuverengwa, Zvirokwazvo, vashoma kwazvo, navatorwa mairi; |
| 13. | Vakafamba-famba vachibva kuno rumwe rudzi vachienda kuno rumwe, Nokubva kunoumwe ushe vachienda kuna vamwe vanhu. |
| 14. | Haana kutendera munhu kuvaitira zvakaipa; Zvirokwazvo, wakatuka madzimambo nokuda kwavo; |
| 15. | Achiti, "Musagunzva vazodzwa vangu, Navaporofita vangu musavaitira chakaipa." |
| 16. | Akadana nzara kuti iuye panyika; Akavhuna mudonzvo wose wechingwa. |
| 17. | Akatuma murume pamberi pavo; Josefa akatengeswa akava muranda; |
| 18. | Vakakuvadza tsoka dzake nezvisungo zvesimbi, Akasungwa namaketani amatare; |
| 19. | Kusvikira panguva yakaitika shoko rake; Shoko raJehovha rakamuidza. |
| 20. | Mambo akatuma nhume akamusunungura; Mubati wendudzi dzavanhu, akamuregedza. |
| 21. | Akamuita ishe weimba yake, Nomubati wefuma yake yose; |
| 22. | Kuti araire machinda ake nokuda kwake, Nokudzidzisa vakuru vake huchenjeri. |
| 23. | Isiraeri akasvikawo Ijipiti, NaJakobho wakagara ari mutorwa panyika yaHamu. |
| 24. | Akawanza vanhu vake kwazvo, Akavapa simba rakapfuura ravadzivisi vavo. |
| 25. | Wakashandura moyo yavo kuti vavenge vanhu vake, Kuti vanyengere varanda vake. |
| 26. | Akatuma Mozisi muranda wake, NaAroni waakanga asanangura. |
| 27. | Ivo vakaratidza zviratidzo zvake pakati pavo, Nezvishamiso panyika yaHamu. |
| 28. | Akatuma rima, akaisvibisa; Vakasamukira mashoko ake. |
| 29. | Akashandura mvura yavo yose, ikaita ropa, Akauraya hove dzavo. |
| 30. | Nyika yavo yakazara namatatya, Mudzimba dzamadzimambo avo. |
| 31. | Akataura, mapupira enhunzi akasvika, Nenda panyika yavo yose. |
| 32. | Akavapa chimvuramabwe panzvimbo yemvura, Uye moto wakapfuta munyika yavo. |
| 33. | Wakarovawo mizambiringa yavo nemionde yavo; Akavhuna-vhunawo miti yenyika yavo |
| 34. | Akataura, mhashu dzikasvika, Namagwatakwata asingagoni kuverengwa. |
| 35. | Zvikapedza miriwo yose munyika yavo, Nokupedza zvibereko zvevhu ravo. |
| 36. | Akarovawo matangwe ose munyika yavo, Ivo vokutanga vesimba ravo rose. |
| 37. | Akavabudisa vane sirivha nendarama; Kwakanga kusina nomumwe pakati pamarudzi avo wakashaiwa simba. |
| 38. | Nyika yeIjipiti yakafara pakubva kwavo, Nokuti vakanga vabatwa nokutya nokuda kwavo. |
| 39. | Wakatatamura gore rikava chifukidzo; Nomoto kuzovhenekera usiku. |
| 40. | Vakakumbira, akauyisa zvihuta, Akavagutisa nechingwa chakabva kudenga. |
| 41. | Akazarura dombo, mvura zhinji ikadzutuka; Ikayerera pakanga pakaoma sorwizi. |
| 42. | Nokuti akarangarira shoko rake dzvene, NaAbhurahamu muranda wake. |
| 43. | Akabudisa vanhu vake nomufaro, Navasanangurwa vake vachiimba. |
| 44. | Akavapa nyika dzavahedheni; Vakazvitorera zvakanga zvabatwa nendudzi dzavanhu; |
| 45. | Kuti vachengete zvaakatema, Nokuteerera mirairo yake. Hareruya. |
| ← Psalms (105/150) → |