Psalms (104/150)  

1. Rumbidza Jehovha, mweya wangu! Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo; Makafukidzwa nokukudzwa noumambo.
2. Imi munozvifukidza nechiedza sechisimiro; Munotatamura kudenga-denga somucheka wetende;
3. Ndiye anoteya matanda edzimba dzake mumvura; Anoita makore ngoro yake; Anofamba pamusoro pamapapiro emhepo
4. Anoita mhepo nhume dzake; Nomoto, unopfuta, vashumiri vake;
5. Akateya nheyo dzapasi; Kuti parege kuzununguswa nokusingaperi,
6. Makapafukidza nemvura yakadzika sechisimiro; Mvura zhinji yakamira pamusoro pamakomo,
7. Makati muchituka ikatiza; inzwi rokutinhira kwenyu rakati richinzwika, ikachimbidzika kuenda.
8. Makomo akakwira, mipata yakaderera; Ikaenda kunzvimbo yamakaigadzirira,
9. Makaitarira muganho, kuti irege kudarika; Kuti irege kudzoka kuzofukidza pasizve.
10. Anotuma matsime mumipata; Mvura inoyerera napakati pamakomo;
11. Anonwisa mhuka dzose dzesango; Mbizi dzinopedza nyota yadzo.
12. Shiri dzokudenga dzinogara paari, Dzinorira pakati pamatavi.
13. Anodiridza makomo ari padzimba dzake; Pasi panogutiswa nechibereko chamabasa enyu.
14. Anomeresa uswa hwezvipfuwo, Nemiriwo, inobatsira vanhu; Kuti abudise zvokudya pasi;
15. Newaini inofadza moyo womunhu, Namafuta anobwinyisa chiso chake, Nechingwa chinosimbisa moyo womunhu.
16. Miti yaJehovha inoguta; Iyo misidhari yeRebhanoni yaakasima;
17. Apo panovaka shiri matendere adzo, Kana riri zimudo, miti yemisipiresi ndiyo imba yaro.
18. Makomo marefu ndeetsoma; Matombo ndihwo utiziro hwembira.
19. Akatara mwedzi kuti uratidze nguva; Zuva rinoziva nguva yokuvira kwaro.
20. Munoita rima, usiku ndokuvapo; Panguva iyo mhuka dzose dzedondo dzinobuda.
21. Vana veshumba vanoomba vachitsvaka zvavangauraya, Vanotsvaka zvokudya zvavo kuna Mwari.
22. Kana zuva richibuda, dzinoenda hadzo, Dzichindovata mumapako adzo.
23. Zvino munhu obudira kubasa rake. Nokumurimo wake kusvikira madekwana.
24. Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Makaaita ose nenjere; Pasi pazere nefuma yenyu.
25. Hero gungwa, rakakura ibamhi, Mukati maro mune zvinhu zvinokambaira zvisingagoni kuverengwa, Zvipenyu zviduku nezvikuru.
26. Hezvo zvikepe, zvinofamba; Heyo ngwena yamakaumba, kuti itambe mariri.
27. Izvi zvose zvinokumirirai, Kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira.
28. Zvamunozvipa imi, ndizvo zvazvinounganidza; Munotadzanura ruoko rwenyu, izvo ndokuguta nezvakanaka.
29. Munovanza chiso chenyu, izvo ndokuvhunduswa; Munozvitorera mweya wazvo, izvo ndokufa, Zvichidzokera kuguruva razvo.
30. Munotuma mweya wenyu, izvo ndokusikwa; Munovandudza chiso chevhu.
31. Kubwinya kwaJehovha ngakugare nokusingaperi; Jehovha ngaafarire mabasa ake;
32. Iye anotarira pasi, ipo ndokubvunda; Unonyangata makomo, iwo ndokubudisa utsi.
33. Ndichaimbira Jehovha panguva yose youpenyu hwangu; Ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiripo.
34. Kurangarira kwangu ngakumufadze; Ndichafara kwazvo muna Jehovha.
35. Vatadzi ngavaparadzwe pasi, Navakaipa ngavarege kuzovapo. Rumbidzai Jehovha, mweya wangu. Hareruya

  Psalms (104/150)