| ← Psalms (104/150) → |
| 1. | Rumbidza Jehovha, mweya wangu! Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo; Makafukidzwa nokukudzwa noumambo. |
| 2. | Imi munozvifukidza nechiedza sechisimiro; Munotatamura kudenga-denga somucheka wetende; |
| 3. | Ndiye anoteya matanda edzimba dzake mumvura; Anoita makore ngoro yake; Anofamba pamusoro pamapapiro emhepo |
| 4. | Anoita mhepo nhume dzake; Nomoto, unopfuta, vashumiri vake; |
| 5. | Akateya nheyo dzapasi; Kuti parege kuzununguswa nokusingaperi, |
| 6. | Makapafukidza nemvura yakadzika sechisimiro; Mvura zhinji yakamira pamusoro pamakomo, |
| 7. | Makati muchituka ikatiza; inzwi rokutinhira kwenyu rakati richinzwika, ikachimbidzika kuenda. |
| 8. | Makomo akakwira, mipata yakaderera; Ikaenda kunzvimbo yamakaigadzirira, |
| 9. | Makaitarira muganho, kuti irege kudarika; Kuti irege kudzoka kuzofukidza pasizve. |
| 10. | Anotuma matsime mumipata; Mvura inoyerera napakati pamakomo; |
| 11. | Anonwisa mhuka dzose dzesango; Mbizi dzinopedza nyota yadzo. |
| 12. | Shiri dzokudenga dzinogara paari, Dzinorira pakati pamatavi. |
| 13. | Anodiridza makomo ari padzimba dzake; Pasi panogutiswa nechibereko chamabasa enyu. |
| 14. | Anomeresa uswa hwezvipfuwo, Nemiriwo, inobatsira vanhu; Kuti abudise zvokudya pasi; |
| 15. | Newaini inofadza moyo womunhu, Namafuta anobwinyisa chiso chake, Nechingwa chinosimbisa moyo womunhu. |
| 16. | Miti yaJehovha inoguta; Iyo misidhari yeRebhanoni yaakasima; |
| 17. | Apo panovaka shiri matendere adzo, Kana riri zimudo, miti yemisipiresi ndiyo imba yaro. |
| 18. | Makomo marefu ndeetsoma; Matombo ndihwo utiziro hwembira. |
| 19. | Akatara mwedzi kuti uratidze nguva; Zuva rinoziva nguva yokuvira kwaro. |
| 20. | Munoita rima, usiku ndokuvapo; Panguva iyo mhuka dzose dzedondo dzinobuda. |
| 21. | Vana veshumba vanoomba vachitsvaka zvavangauraya, Vanotsvaka zvokudya zvavo kuna Mwari. |
| 22. | Kana zuva richibuda, dzinoenda hadzo, Dzichindovata mumapako adzo. |
| 23. | Zvino munhu obudira kubasa rake. Nokumurimo wake kusvikira madekwana. |
| 24. | Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Makaaita ose nenjere; Pasi pazere nefuma yenyu. |
| 25. | Hero gungwa, rakakura ibamhi, Mukati maro mune zvinhu zvinokambaira zvisingagoni kuverengwa, Zvipenyu zviduku nezvikuru. |
| 26. | Hezvo zvikepe, zvinofamba; Heyo ngwena yamakaumba, kuti itambe mariri. |
| 27. | Izvi zvose zvinokumirirai, Kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira. |
| 28. | Zvamunozvipa imi, ndizvo zvazvinounganidza; Munotadzanura ruoko rwenyu, izvo ndokuguta nezvakanaka. |
| 29. | Munovanza chiso chenyu, izvo ndokuvhunduswa; Munozvitorera mweya wazvo, izvo ndokufa, Zvichidzokera kuguruva razvo. |
| 30. | Munotuma mweya wenyu, izvo ndokusikwa; Munovandudza chiso chevhu. |
| 31. | Kubwinya kwaJehovha ngakugare nokusingaperi; Jehovha ngaafarire mabasa ake; |
| 32. | Iye anotarira pasi, ipo ndokubvunda; Unonyangata makomo, iwo ndokubudisa utsi. |
| 33. | Ndichaimbira Jehovha panguva yose youpenyu hwangu; Ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiripo. |
| 34. | Kurangarira kwangu ngakumufadze; Ndichafara kwazvo muna Jehovha. |
| 35. | Vatadzi ngavaparadzwe pasi, Navakaipa ngavarege kuzovapo. Rumbidzai Jehovha, mweya wangu. Hareruya |
| ← Psalms (104/150) → |