Psalms (103/150)  

1. Rumbidzai Jehovha, mweya wangu; Zvose zviri mukati mangu ngazvirumbidze zita rake dzvene.
2. Rumbidza Jehovha, mweya wangu, Urege kukanganwa mikomborero yake;
3. Iye, anokanganwira zvakaipa zvako zvose; Anoporesa kurwara kwako kwose;
4. Anodzikunura hupenyu hwako pakuparadzwa; Anokuisa korona younyoro nengoni;
5. Anogutisa moyo wako nezvakanaka; Kuti utsva hwako huvandudzwe segondo.
6. Jehovha anoita zvinhu zvakarurama, Nokururamisira vose vanomanikidzwa.
7. Akazivisa Mozisi nzira dzake, Navana vaIsiraeri zvaakaita.
8. Jehovha anetsitsi nenyasha, Haachimbidziki kutsamwa, ane ngoni zhinji.
9. Haangarambi achirwa; Uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi.
10. Haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu, Kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu.
11. Nokuti sokukwirira kwokudenga kumusoro, Ndizvo zvakaita kukura kwengoni dzake kuna vanomutya.
12. Sokuva kure kwamabvazuva namavirira, Saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwose kure nesu.
13. Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, Saizvozvo Jehovha anonzwira tsitsi vanomutya.
14. Nokuti iye anoziva chatakaitwa nacho, Anorangarira kuti tiri guruva.
15. Kana ari munhu, mazuva ake akaita souswa; Seruva resango, iye anokura saizvozvo.
16. Nokuti imhepo inopfuura pamusoro paro, onei raenda; Nenzvimbo yaro haicharizivi.
17. Asi ngoni dzaJehovha dziripo nokusingaperi-peri kuna vanomutya, Nokururama kwake kuvana vavana vavo;
18. kuna ivo vanochengeta sungano yake, Nokuna vanorangarira zvaakaraira, kuti vazviite.
19. Jehovha akasimbisa chigaro chake choushe kudenga-denga; Ushe hwake hunobata zvinhu zvose.
20. Rumbidzai Jehovha, imi vatumwa vake; Imi mhare dzine simba, munoita zvaakataura, Muchiteerera inzwi reshoko rake.
21. Rumbidzai Jehovha, imi hondo dzake dzose; Imi vashumiri vake, vanoita zvinomufadza.
22. Rumbidzai Jehovha, imi mabasa ake ose, Panzvimbo dzose dzoumambo hwake; Rumbidza Jehovha, mweya wangu!

  Psalms (103/150)