| ← Psalms (103/150) → |
| 1. | Rumbidzai Jehovha, mweya wangu; Zvose zviri mukati mangu ngazvirumbidze zita rake dzvene. |
| 2. | Rumbidza Jehovha, mweya wangu, Urege kukanganwa mikomborero yake; |
| 3. | Iye, anokanganwira zvakaipa zvako zvose; Anoporesa kurwara kwako kwose; |
| 4. | Anodzikunura hupenyu hwako pakuparadzwa; Anokuisa korona younyoro nengoni; |
| 5. | Anogutisa moyo wako nezvakanaka; Kuti utsva hwako huvandudzwe segondo. |
| 6. | Jehovha anoita zvinhu zvakarurama, Nokururamisira vose vanomanikidzwa. |
| 7. | Akazivisa Mozisi nzira dzake, Navana vaIsiraeri zvaakaita. |
| 8. | Jehovha anetsitsi nenyasha, Haachimbidziki kutsamwa, ane ngoni zhinji. |
| 9. | Haangarambi achirwa; Uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi. |
| 10. | Haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu, Kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu. |
| 11. | Nokuti sokukwirira kwokudenga kumusoro, Ndizvo zvakaita kukura kwengoni dzake kuna vanomutya. |
| 12. | Sokuva kure kwamabvazuva namavirira, Saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwose kure nesu. |
| 13. | Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, Saizvozvo Jehovha anonzwira tsitsi vanomutya. |
| 14. | Nokuti iye anoziva chatakaitwa nacho, Anorangarira kuti tiri guruva. |
| 15. | Kana ari munhu, mazuva ake akaita souswa; Seruva resango, iye anokura saizvozvo. |
| 16. | Nokuti imhepo inopfuura pamusoro paro, onei raenda; Nenzvimbo yaro haicharizivi. |
| 17. | Asi ngoni dzaJehovha dziripo nokusingaperi-peri kuna vanomutya, Nokururama kwake kuvana vavana vavo; |
| 18. | kuna ivo vanochengeta sungano yake, Nokuna vanorangarira zvaakaraira, kuti vazviite. |
| 19. | Jehovha akasimbisa chigaro chake choushe kudenga-denga; Ushe hwake hunobata zvinhu zvose. |
| 20. | Rumbidzai Jehovha, imi vatumwa vake; Imi mhare dzine simba, munoita zvaakataura, Muchiteerera inzwi reshoko rake. |
| 21. | Rumbidzai Jehovha, imi hondo dzake dzose; Imi vashumiri vake, vanoita zvinomufadza. |
| 22. | Rumbidzai Jehovha, imi mabasa ake ose, Panzvimbo dzose dzoumambo hwake; Rumbidza Jehovha, mweya wangu! |
| ← Psalms (103/150) → |