Psalms (102/150)  

1. Inzwai munyengetero wangu, Jehovha, Kuchema kwangu ngakusvikire kwamuri.
2. Regai kundivanzira chiso chenyu pazuva rokutambudzika kwangu; Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; Pazuva rokudana kwangu kurumidzai kundipindura.
3. Nokuti mazuva angu anopera soutsi, Mapfupa angu anotsva sechitsa.
4. moyo wangu warohwa souswa, waoma; Nokuti ndinokanganwa kudya zvokudya zvangu.
5. Nokuda kwenzwi rokugomera kwangu Mapfupa angu anonamatira nyama yangu.
6. Ndafanana nehukurwizi yomurenje; Ndava sezizi romumatongo.
7. Handivati, ndafanana Neshiri iri yoga pamusoro pedenga reimba.
8. Vavengi vangu vanondituka zuva rose; Avo vanondipengera vanonditukisa kwazvo.
9. Nokuti ndakadya madota sezvokudya, Ndikavhenganisa zvokunwa zvangu nemisodzi.
10. Nokuda kwehasha dzenyu nokutsamwa kwenyu; Nokuti makandisimudza mukandirasha.
11. Mazuva angu akafanana nomumvuri wareba; Ndaoma souswa.
12. Asi imi Jehovha, muchavapo nokusingaperi; Marudzi namarudzi achakurangarirai.
13. Imi muchasimuka, mukanzwira Ziyoni ngoni; Nokuti nguva yavapo yokurinzwira tsitsi, zvirokwazvo, nguva, yakatarwa, yasvika.
14. Nokuti varanda venyu vanofarira mabwe aro, Vanonzwira tsitsi guruva raro.
15. Naizvozvo vahedheni vachatya zita raJehovha, Namadzimambo ose apasi kubwinya kwenyu;
16. Jehovha zvaakavaka Ziyoni, Akaonekwa nokubwinya kwake;
17. Akava nehanya nomunyengetero wavakakamurwa, Akasazvidza munyengetero wavo.
18. Izvi zvichanyorerwa rudzi runozouya; Vanhu, vachazosikwa, vacharumbidza Jehovha.
19. Nokuti wakatarira pasi ari panzvimbo yake tsvene yakakwirira; Jehovha akacherekedza nyika ari kudenga;
20. Kuti anzwe kugomera kwomusungwa; Kuti asunungure vana vorufu;
21. Kuti vanhu vaparidze zita raJehovha paZiyoni, Nokurumbidzwa kwake paJerusaremu;
22. Kana marudzi avanhu aungana, Noushe huzhinji, kuti vashumire Jehovha.
23. Wakatapudza simba rangu panzira; Wakafupisa mazuva angu.
24. Ndakati, "Mwari wangu, regai kundibvisa mazuva angu achigere kusvika; Makore enyu anosvika kumarudzi namarudzi."
25. Makateya nyika kare-kare; Nedenga rose ibasa ramaoko enyu.
26. Zvichaparara izvo, asi imi muchagara muripo; Zvirokwazvo, izvozvo zvose zvichasakara senguvo; Muchazvishandura sechisimiro, zvikashanduka;
27. Asi imi hamushanduki, Makore enyu haangavi nomugumo.
28. Vana vavaranda venyu vachagara varipo, Navana vavo vachasimbiswa pamberi penyu.

  Psalms (102/150)