Psalms (101/150)  

1. Ndichaimba ndichireva ngoni nokururama; Ndimi Jehovha wandichaimbira nziyo dzokurumbidza.
2. Ndichaita zvose nokugwara panzira yakarurama; Haiwa, muchauya kwandiri rinhiko? Ndichafamba mumba mangu nomoyo wakarurama.
3. Handingavavariri chinhu chakaipa; Ndinovenga zvinoitwa navanotsauka; Hazvingandinamatiri.
4. moyo wakatsauka ngaubve kwandiri; Handidi kuziva zvakaipa.
5. Anoitira vokwake makuhwa, ndichamuparadza; Anotarira namanyawi, nounomoyo unozvikudza, handingavi nehanya naye.
6. meso angu achatarira vakatendeka panyika, kuti vagare neni; Munhu anofamba nenzira yakarurama, ndiye angava mushumiri wangu.
7. Anonyengera haangagari mumba mangu; Anoreva nhema haangarambiri pamberi pangu.
8. Mangwanani ose ndichaparadza vakaipa vose venyika; Kuti ndipedze vose vanoita zvakaipa paguta raJehovha.

  Psalms (101/150)