| ← Psalms (101/150) → |
| 1. | Ndichaimba ndichireva ngoni nokururama; Ndimi Jehovha wandichaimbira nziyo dzokurumbidza. |
| 2. | Ndichaita zvose nokugwara panzira yakarurama; Haiwa, muchauya kwandiri rinhiko? Ndichafamba mumba mangu nomoyo wakarurama. |
| 3. | Handingavavariri chinhu chakaipa; Ndinovenga zvinoitwa navanotsauka; Hazvingandinamatiri. |
| 4. | moyo wakatsauka ngaubve kwandiri; Handidi kuziva zvakaipa. |
| 5. | Anoitira vokwake makuhwa, ndichamuparadza; Anotarira namanyawi, nounomoyo unozvikudza, handingavi nehanya naye. |
| 6. | meso angu achatarira vakatendeka panyika, kuti vagare neni; Munhu anofamba nenzira yakarurama, ndiye angava mushumiri wangu. |
| 7. | Anonyengera haangagari mumba mangu; Anoreva nhema haangarambiri pamberi pangu. |
| 8. | Mangwanani ose ndichaparadza vakaipa vose venyika; Kuti ndipedze vose vanoita zvakaipa paguta raJehovha. |
| ← Psalms (101/150) → |