Psalms (100/150)  

1. Pururudzai Jehovha, imi nyika dzose.
2. Shumirai Jehovha nomufaro; Uyai pamberi pake muchiimba.
3. Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari; Ndiye wakatiita, tiri vanhu vake; Tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.
4. Pindai pamasuo ake muchivonga, Napavazhe dzake muchirumbidza; Chimuvongai, murumbidze zita rake.
5. Nokuti Jehovha akanaka; ngoni dzake dziripo nokusingaperi; Nokutendeka kwake kumarudzi namarudzi.

  Psalms (100/150)