| ← Psalms (10/150) → |
| 1. | Munomirireiko kure, Jehovha? Munozvivanzireiko panguva dzokutambudzika? |
| 2. | Pakuzvikudza kwake akaipa anotambudza murombo zvikuru; Ngavabatwe namano avakafunga. |
| 3. | Nokuti wakaipa anozvirumbidza pamusoro pezvinoda moyo wake, Anoruchiva anoramba Jehovha nokumuzvidza. |
| 4. | Nokuzvikudza kwechiso chake, wakaipa anoti, "Haangabvunzi." Ndangariro dzake dzose dzinoti, "Hakuna Mwari." |
| 5. | Nzira dzake dzakasimba nguva dzose; Zvamunotonga imi zviri kure kumusoro, haazvioni; Kana vari vadzivisi vake vose, anovashora. |
| 6. | Anoti mumoyo make, "Handingazununguswi; Handingavi panhamo kusvikira kumarudzi angu ose." |
| 7. | Muromo wake uzere nokutuka nokunyengera nokumanikidza; Zvakashata nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake. |
| 8. | Anogara panzvimbo dzokuvanda dzemisha; Pakavanda ndipo paanouraya asina mhosva; Meso ake anovandira asina wokumubatsira. |
| 9. | Anovandira pakavanda seshumba panzvimbo yayo; Anovanda kuti abate murombo; Anobata murombo, kana achimukakatira mumumbure wake. |
| 10. | Anonyangira, anokotama pasi, Vasina mubatsiri vanowiswa nesimba rake. |
| 11. | Anoti mumoyo make, "Mwari akanganwa; Anovanza chiso chake, haangatongozvioni." |
| 12. | Simukai Jehovha; Mwari simudzai ruoko rwenyu; Regai kukanganwa varombo. |
| 13. | Akaipa anozvidzireiko Mwari, Achiti mumoyo wake, "Hangabvunzi?" |
| 14. | Mazviona henyu; nokuti munoona kutambudzika nokuchema, kuti muzvibate muruoko rwenyu; asinamubatsiri anozviisa kwamuri; Makava mubatsiri wenherera. |
| 15. | Vhunai ruoko rwowakaipa. Kana ari munhu akashata, nzverai zvakaipa zvake, kusvikira musingazozviwani. |
| 16. | Jehovha ndiye Mambo . nokusingaperi-peri; Vahedheni vakaparadzwa munyika yake. |
| 17. | Jehovha, makanzwa zvinodikanwa navanyoro; Muchasimbisa moyo yavo, mucharerekera nzeve yenyu; |
| 18. | Kuti mutongere nherera neanotambudzwa, Kuti munhu wapanyika arege kuramba achivhundusa. |
| ← Psalms (10/150) → |