Psalms (10/150)  

1. Munomirireiko kure, Jehovha? Munozvivanzireiko panguva dzokutambudzika?
2. Pakuzvikudza kwake akaipa anotambudza murombo zvikuru; Ngavabatwe namano avakafunga.
3. Nokuti wakaipa anozvirumbidza pamusoro pezvinoda moyo wake, Anoruchiva anoramba Jehovha nokumuzvidza.
4. Nokuzvikudza kwechiso chake, wakaipa anoti, "Haangabvunzi." Ndangariro dzake dzose dzinoti, "Hakuna Mwari."
5. Nzira dzake dzakasimba nguva dzose; Zvamunotonga imi zviri kure kumusoro, haazvioni; Kana vari vadzivisi vake vose, anovashora.
6. Anoti mumoyo make, "Handingazununguswi; Handingavi panhamo kusvikira kumarudzi angu ose."
7. Muromo wake uzere nokutuka nokunyengera nokumanikidza; Zvakashata nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake.
8. Anogara panzvimbo dzokuvanda dzemisha; Pakavanda ndipo paanouraya asina mhosva; Meso ake anovandira asina wokumubatsira.
9. Anovandira pakavanda seshumba panzvimbo yayo; Anovanda kuti abate murombo; Anobata murombo, kana achimukakatira mumumbure wake.
10. Anonyangira, anokotama pasi, Vasina mubatsiri vanowiswa nesimba rake.
11. Anoti mumoyo make, "Mwari akanganwa; Anovanza chiso chake, haangatongozvioni."
12. Simukai Jehovha; Mwari simudzai ruoko rwenyu; Regai kukanganwa varombo.
13. Akaipa anozvidzireiko Mwari, Achiti mumoyo wake, "Hangabvunzi?"
14. Mazviona henyu; nokuti munoona kutambudzika nokuchema, kuti muzvibate muruoko rwenyu; asinamubatsiri anozviisa kwamuri; Makava mubatsiri wenherera.
15. Vhunai ruoko rwowakaipa. Kana ari munhu akashata, nzverai zvakaipa zvake, kusvikira musingazozviwani.
16. Jehovha ndiye Mambo . nokusingaperi-peri; Vahedheni vakaparadzwa munyika yake.
17. Jehovha, makanzwa zvinodikanwa navanyoro; Muchasimbisa moyo yavo, mucharerekera nzeve yenyu;
18. Kuti mutongere nherera neanotambudzwa, Kuti munhu wapanyika arege kuramba achivhundusa.

  Psalms (10/150)