Psalms (1/150) → |
1. | Akakomborerwa munhu asingafambi panorangana vakaipa, Asingamiri panzira yavatadzi, Asingagari panogara vadadi. |
2. | Asi anofarira murayiro waJehovha; Anofungisisa murayiro wake masikati nousiku. |
3. | Achafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, Unobereka michero yawo nenguva yawo, Mashizha awo haasvavi; Chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika. |
4. | Vakaipa havana kudaro; Asi vakafanana nehundi inopepereswa nemhepo. |
5. | Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongeswa, Navatadzi paungano yavakarurama. |
6. | Nokuti Jehovha anoziva nzira yavakarurama; Asi nzira yavakaipa ichaparadzwa. |
Psalms (1/150) → |