Psalms (1/150)  

1. Akakomborerwa munhu asingafambi panorangana vakaipa, Asingamiri panzira yavatadzi, Asingagari panogara vadadi.
2. Asi anofarira murayiro waJehovha; Anofungisisa murayiro wake masikati nousiku.
3. Achafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, Unobereka michero yawo nenguva yawo, Mashizha awo haasvavi; Chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.
4. Vakaipa havana kudaro; Asi vakafanana nehundi inopepereswa nemhepo.
5. Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongeswa, Navatadzi paungano yavakarurama.
6. Nokuti Jehovha anoziva nzira yavakarurama; Asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.

      Psalms (1/150)