Proverbs (9/31)  

1. Uchenjeri hwakavaka imba yahwo; Hwakaveza mbiru dzahwo nomwe;
2. Hwakabaya zvipfuwo zvahwo; Hwakavhenganisa waini yahwo; Hwakagadzirawo tafura yahwo.
3. Hwakatuma varandakadzi vahwo; hunodanidzira pamitunhu yeguta, huchiti,
4. "Asina mano ngaatsaukire muno;" Asina njere, hunoti kwaari,
5. "Uyai mudye chingwa changu, Munwe waini yandakavhenganisa.
6. Regai kusasvinuka murarame; Mufambe nenzira yenjere."
7. Munhu, anoraira mudadiri anozvitsvakira kunyadziswa; Anotuka munhu wakaipa achasvibiswa.
8. Usaraira mudadiri, kuti arege kukuvenga; Raira munhu wakachenjera, iye achakuda.
9. Ipa wakachenjera dzidzo, ipapo iye achawedzerwa huchenjeri; Dzidzisa wakarurama, ipapo iye achawedzerwa zivo.
10. Kuvamba kwouchenjeri ndiko kutya Iehovha., Kuziva Mutsvene ndidzo njere.
11. Nokuti neni mazuva ako achaitwa mazhinji, Makore oupenyu hwako achawedzerwa.
12. Kana wakachenjera, iwe, wakazvichenjerera hako; Kana uri mudadiri, iwe woga uchava nemhosva yazvo.
13. Mukadzi benzi anopupira; Haana mano, haazivi chinhu.
14. Anogara pamukova weimba yake, Pachigaro pamitunhu yeguta.
15. Kuti adanidzire kuna vanopfuura napo, Ivo vanorurama nenzira dzavo, achiti,
16. "Ani naani asina mano, ngaatsaukire muno;" Asine njere, mukadzi anoti kwaari,
17. "Mvura yabiwa inozipa, Chingwa chinodyiwa pakavanda chinonaka."
18. Asi haazivi kuti vanopindamo vanofa; Kuti vakakokerwa naye vari mukati-kati meSheori.

  Proverbs (9/31)