Proverbs (8/31)  

1. Ko Uchenjeri hahudanidziri here? Nenjere hadzibudisi manzwi adzo here?
2. Pamusoro pemitunhu panzira, Pamharadzano dzenzira, ndipo pahumire;
3. Parutivi rwamasuo, panopindwa paguta, Pavanopinda pamikova, ndipo pahunodanidzira; huchiti,
4. "Ndinodanidzira kwamuri, imi varume, Inzwi rangu rinodana vanakomana vavanhu.
5. nzwisisai uchenjeri, imi vasina mano; Imi mapenzi, ivai nomoyo une njere.
6. Inzwai, nokuti ndichataura zvinhu zvakaisvonaka; Nokuti miromo yangu ichashamira zvinhu zvakarurama.
7. Nokuti muromo wangu unobudisa zvokwadi; Chinhu chakaipa chinonyangadza pamiromo yangu.
8. Mashoko ose omuromo wangu akarurama; Hakuna chinhu chakakombama kana chisakarurama maari;
9. Zvose zviri pachena kuno anenjere; Zvakarurama kuna ivo vakawana zivo.
10. Gamuchirai kuraira kwangu, murege kugamuchira sirivha; Nezivo, kupfuura ndarama yakasarurwa.
11. Nokuti uchenjeri hwakanaka kupfuura korari; Zvose zvinodikanwa nomunhu hazvingaenzaniswi nahwo.
12. Ini uchenjeri ndakaita kungwara imba yangu, Ndinowana zivo namano akarurama.
13. Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa; Kuzvikudza namanyawi nenzira yakaipa, Nomuromo unonyengedzera, ndinozvivenga.
14. Ndine zano rakanaka nokubata kwakakwana; Ndini kuchenjera; ndine simba.
15. Madzimambo anobata ushe neni, Vabati vanotonga vanhu neni.
16. Madzishe anofambisa ushe neni, Navakuru, ivo vatongi vose vapasi.
17. Ndinoda vanondida; Vanonditsvaka nomoyo wose vachandiwana.
18. fuma nokukudzwa zvineni, Zvinokosha zvakaisvonaka nokururama.
19. Zvibereko zvangu zvakanaka kupfuura ndarama, kunyange ndarama yakaisvonaka; Zvandinowana zvinopfuura sirivha yakasarurwa.
20. Ndinofamba nenzira yokururama, Mukati mamakwara okururamisa;
21. Kuti ndigarise nhaka vanondida, Ndizadze zvivigiro zvefuma yavo.
22. Jehovha akandiumba pakuvamba kwenzira yake, Kutangira mabasa ake akare.
23. Ini ndakamiswa kubva pakusingaperi, kubva pakutanga, Pasi pasati pasikwa.
24. Makungwa asati avapo, ini ndakaberekwa; Pasina matsime ane mvura zhinji.
25. Makomo asati anyudzwa, Zvikomo zvisipo, ini ndakaberekwa;
26. Iye asati aumba pasi namapani, Kana guruva rokutanga renyika.
27. Panguva yaakagadzira kudenga-denga, ndakanga ndiripo; Pakuisa kwake denderedzwa pamusoro pamakungwa;
28. Panguva yaakasimbisa denga rose kumusoro, Pakusimba kwamatsime amakungwa;
29. Panguva yaakaitira gungwa miganho yaro, Kuti mvura irege kudarika murayiro wake, Pakutara kwake nheyo dzapasi;
30. Nenguva iyo ndaiva naye, ndiri mhizha; Ndaimufadza zuva rimwe nerimwe, Ndichitamba pamberi pake nguva dzose,
31. Ndichitamba panyika yake, Ndichifadzwa navanakomana vavanhu.
32. Saka zvino vanakomana vangu, nditeererei; Nokuti vanochengeta nzira dzangu vakaropafadzwa.
33. Inzwai kurairira muve vakachenjera, Regai kukuramba.
34. Munhu, anondinzwa, akaropafadzwa, Anorinda zuva rimwe nerimwe pamasuo angu, Anomira pazvivivo zvemikova yangu.
35. Nokuti andiwana, awana hupenyu, Achapiwa nyasha naJehovha.
36. Asi anondishaiwa, anotadzira mweya wake;

  Proverbs (8/31)