← Proverbs (7/31) → |
1. | Mwanakomana wangu, chengeta mashoko angu, Viga mirairo yangu kwauri. |
2. | Chengeta mirairo yangu, urarame; Nomurau wangu semboni yeziso rako. |
3. | Uzvisungire pamweya wako; Uzvinyore pahwendefa romoyo wako. |
4. | Uti kuuchenjeri, "Ndiwe hanzvadzi yangu; Utumidze njere shamwari yako;" |
5. | Kuti zvikuchengete pamukadzi wokumwe, Pamutorwa anobata kumeso namashoko ake. |
6. | Nokuti ndakatarira pahwindo reimba yangu, Pahutanda hwehwindo rangu; |
7. | Ndikatarira pakati pavasina mano, Ndikaona pakati pamajaya. Rimwe jaya rakashaiwa njere; |
8. | Richipfuura nenzira yomumusha pedo nekona yeimba yomukadzi |
9. | Nenguva yorubvunzavaeni, nenguva yamadeko ezuva, Pakati pousiku kwasviba. |
10. | Zvino tarira, mukadzi akasangana naye, Akanga akafuka sechifeve, anokunyengedzera pamoyo. |
11. | Anopupira, achiita sezvaanoda; Tsoka dzake hadzigari mumba make; |
12. | Imwe nguva ari munzira dzomumusha, imwe nguva pamatare; Anorindira pamakona ose. |
13. | Zvino iye akamubata, akamutsvoda; Akataura naye nechiso chisina kunyara, akati kwaari, |
14. | "Ndaifanira kuuya nezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, Nhasi ndaripa mhiko dzangu. |
15. | Saka ndabuda kuzokuchingamidza, Nditsvake chiso chako zvikuru, zvino ndakuwana. |
16. | Ndakawarira machira anohukomba pamubhedha wangu, Nemicheka ina mavara inobva Ijipiti. |
17. | Ndakasasa zvinonhuwira pamubhedha wangu, Mura, negavakava, nekinamoni. |
18. | Uya tigute nokudana kusvikira mangwanani; Ngatizvifadze nokudana kukuru. |
19. | Nokuti murume haapo pamusha; Akafamba rwendo rukuru; |
20. | Akaenda nehombodo ine mari; Achadzoka pajenaguru." |
21. | Nokutaura kwake kuzhinji kwakanaka anomutsausa, Anomugombedzera nokubata kumeso kwemiromo yake. |
22. | Anomutevera pakarepo, Senzombe inoenda kwainondobayiwa, Kana sebenzi rakasungwa rinoenda kundorangwa; |
23. | Kusvikira museve wabaya chiropa chake; Seshiri inokurumidzira kurugombe, Asingazivi kuti zvinovinga upenyu hwake. |
24. | Zvino vanakomana vangu, nditeererei, Inzwai mashoko omuromo wangu. |
25. | moyo wako ngaurege kutsaukira kunzira dzake; Usafamba-famba mumakwara ake. |
26. | Nokuti akawisira pasi vazhinji vakakuvadzwa; Zvirokwazvo, vakaurawa naye vazhinji kwazvo. |
27. | Imba yake inzira dzinoenda Sheori, Dzinoburukira kudzimba dzorufu. |
← Proverbs (7/31) → |