Proverbs (7/31)  

1. Mwanakomana wangu, chengeta mashoko angu, Viga mirairo yangu kwauri.
2. Chengeta mirairo yangu, urarame; Nomurau wangu semboni yeziso rako.
3. Uzvisungire pamweya wako; Uzvinyore pahwendefa romoyo wako.
4. Uti kuuchenjeri, "Ndiwe hanzvadzi yangu; Utumidze njere shamwari yako;"
5. Kuti zvikuchengete pamukadzi wokumwe, Pamutorwa anobata kumeso namashoko ake.
6. Nokuti ndakatarira pahwindo reimba yangu, Pahutanda hwehwindo rangu;
7. Ndikatarira pakati pavasina mano, Ndikaona pakati pamajaya. Rimwe jaya rakashaiwa njere;
8. Richipfuura nenzira yomumusha pedo nekona yeimba yomukadzi
9. Nenguva yorubvunzavaeni, nenguva yamadeko ezuva, Pakati pousiku kwasviba.
10. Zvino tarira, mukadzi akasangana naye, Akanga akafuka sechifeve, anokunyengedzera pamoyo.
11. Anopupira, achiita sezvaanoda; Tsoka dzake hadzigari mumba make;
12. Imwe nguva ari munzira dzomumusha, imwe nguva pamatare; Anorindira pamakona ose.
13. Zvino iye akamubata, akamutsvoda; Akataura naye nechiso chisina kunyara, akati kwaari,
14. "Ndaifanira kuuya nezvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa, Nhasi ndaripa mhiko dzangu.
15. Saka ndabuda kuzokuchingamidza, Nditsvake chiso chako zvikuru, zvino ndakuwana.
16. Ndakawarira machira anohukomba pamubhedha wangu, Nemicheka ina mavara inobva Ijipiti.
17. Ndakasasa zvinonhuwira pamubhedha wangu, Mura, negavakava, nekinamoni.
18. Uya tigute nokudana kusvikira mangwanani; Ngatizvifadze nokudana kukuru.
19. Nokuti murume haapo pamusha; Akafamba rwendo rukuru;
20. Akaenda nehombodo ine mari; Achadzoka pajenaguru."
21. Nokutaura kwake kuzhinji kwakanaka anomutsausa, Anomugombedzera nokubata kumeso kwemiromo yake.
22. Anomutevera pakarepo, Senzombe inoenda kwainondobayiwa, Kana sebenzi rakasungwa rinoenda kundorangwa;
23. Kusvikira museve wabaya chiropa chake; Seshiri inokurumidzira kurugombe, Asingazivi kuti zvinovinga upenyu hwake.
24. Zvino vanakomana vangu, nditeererei, Inzwai mashoko omuromo wangu.
25. moyo wako ngaurege kutsaukira kunzira dzake; Usafamba-famba mumakwara ake.
26. Nokuti akawisira pasi vazhinji vakakuvadzwa; Zvirokwazvo, vakaurawa naye vazhinji kwazvo.
27. Imba yake inzira dzinoenda Sheori, Dzinoburukira kudzimba dzorufu.

  Proverbs (7/31)