| ← Proverbs (6/31) → |
| 1. | Mwanakomana wangu, kana uchinge wakazviitira wokwako rubatso, Wazvisunga nokuda kwomutorwa noruoko rwako, |
| 2. | Wazviteya namashoko omuromo wako, Wabatwa namashoko omuromo wako, |
| 3. | Zvino ita kudai, mwanakomana wangu, uzvirwire, Zvawabatwa noruoko rwowokwako, Enda, undozvininipisa, ukumbire zvikuru kunowokwako. |
| 4. | Usatendera meso ako hope, Kana mafungiro ameso ako kutsumwaira; |
| 5. | Uzvirwire semhara paruoko rwomuvhimi, Seshiri paruoko rwomuteyi. |
| 6. | Enda kumujuru, iwe simbe; Cherekedza nzira dzawo ugova wakachenjera! |
| 7. | Kunyange iwo usina mutongi, Kana mutariri kana mubati, |
| 8. | Unogadzira zvokudya zvawo muzhizha, Nokuunganidza zvokudya zvawo mukukohwa. |
| 9. | Iwe simbe, uchavata pasi kusvikira rinhiko? Uchamuka rinhiko pahope dzako? |
| 10. | Kumbovata zvishomanene, kumbotsumwaira zvishomanene, Kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore; |
| 11. | Saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu wakashonga nhumbi dzokurwa. |
| 12. | Munhu asina maturo, munhu anoita zvakaipa, Ndiye anofamba nomuromo une nhema; |
| 13. | Anobwaira nameso ake, anotendekera netsoka dzake, Anodudzira neminwe yake; |
| 14. | Ane zvisakarurama pamoyo pake, Anosifungira vamwe zvakaipa, Anokusha kupesana. |
| 15. | Saka njodzi yake ichamuwira kamwe-kamwe; Achavhuniwa pakarepo, kusina chingamubatsira. |
| 16. | Zvinhu zvitanhatu zviriko zvinovengwa naJehovha; Zvirokwazvo, tingati kune zvinomwe, zvinomunyangadza, zvinoti: |
| 17. | Meso ounozvikudza, rurimi runoreva nhema, Maoko anodurura ropa risina mhaka; |
| 18. | moyo unofunga mano akaipa, Tsoka dzinokurumidza kuvangira zvakashata; |
| 19. | Chapupu chinonyengera chinoreva nhema, Uye anokusha kupesana pakati pehama. |
| 20. | Mwanakomana wangu, chengeta murayiro wababa vako; Usarasha kudzidzisa kwamai vako. |
| 21. | Uzvisungire nguva dzose pamoyo wako; Uzvishonge pamutsipa wako. |
| 22. | Kana uchifamba, zvichakutungamirira; Kana uchivata pasi, zvichakurinda; Kana womuka, zvichataurirana newe. |
| 23. | Nokuti murayiro ndiwo mwenje; murau ndicho chiedza; Kuraira kwokurairirwa inzira youpenyu; |
| 24. | Kuti uchengetwe pamukadzi wakaipa, Pakubata kumeso kworurimi rwomutorwa. |
| 25. | Usachiva kunaka kwake mumoyo mako; Arege kukubata namafungiro ameso ake. |
| 26. | Nokuti nokuda kwechifeve munhu angasvikira pakudya chimedu bedzi chechingwa; Mukadzi womumwe munhu anovhima upenyu hunokosha. |
| 27. | Ko munhu ungaisa moto muchipfuva chake, nguvo dzake dzikasatsva here? |
| 28. | Kana munhu angatsika mazimbe anopisa, Tsoka dzake dzikasapiswa here? |
| 29. | Ndizvo zvakaita munhu anopinda kumukadzi wowokwake; Ani naani anomunyangata iye mukadzi haangaregwi kurohwa. |
| 30. | Vanhu havangazvidzi mubi kana achiba Kuti agute kana achinge ane nzara. |
| 31. | Asi kana akabatwa anofanira kudzosera zvava zvinomwe; Anofanira kuripa nefuma yose yeimba yake. |
| 32. | Anoita upombwe nomukadzi, anoshaiwa njere; Anoda kuparadza upenyu hwake ndiye anoita izvozvo. |
| 33. | Uchangozviwanira mavanga nokusakudzwa; Kunyadziswa kwake hakungatongopusikwi. |
| 34. | Nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume; Haanganzwiri tsitsi pazuva rokutsiva. |
| 35. | Haangavi nehanya nomuripo; Haangatendi, kunyange ukamuvigira zvipo zvizhinji. |
| ← Proverbs (6/31) → |