Proverbs (6/31)  

1. Mwanakomana wangu, kana uchinge wakazviitira wokwako rubatso, Wazvisunga nokuda kwomutorwa noruoko rwako,
2. Wazviteya namashoko omuromo wako, Wabatwa namashoko omuromo wako,
3. Zvino ita kudai, mwanakomana wangu, uzvirwire, Zvawabatwa noruoko rwowokwako, Enda, undozvininipisa, ukumbire zvikuru kunowokwako.
4. Usatendera meso ako hope, Kana mafungiro ameso ako kutsumwaira;
5. Uzvirwire semhara paruoko rwomuvhimi, Seshiri paruoko rwomuteyi.
6. Enda kumujuru, iwe simbe; Cherekedza nzira dzawo ugova wakachenjera!
7. Kunyange iwo usina mutongi, Kana mutariri kana mubati,
8. Unogadzira zvokudya zvawo muzhizha, Nokuunganidza zvokudya zvawo mukukohwa.
9. Iwe simbe, uchavata pasi kusvikira rinhiko? Uchamuka rinhiko pahope dzako?
10. Kumbovata zvishomanene, kumbotsumwaira zvishomanene, Kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore;
11. Saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu wakashonga nhumbi dzokurwa.
12. Munhu asina maturo, munhu anoita zvakaipa, Ndiye anofamba nomuromo une nhema;
13. Anobwaira nameso ake, anotendekera netsoka dzake, Anodudzira neminwe yake;
14. Ane zvisakarurama pamoyo pake, Anosifungira vamwe zvakaipa, Anokusha kupesana.
15. Saka njodzi yake ichamuwira kamwe-kamwe; Achavhuniwa pakarepo, kusina chingamubatsira.
16. Zvinhu zvitanhatu zviriko zvinovengwa naJehovha; Zvirokwazvo, tingati kune zvinomwe, zvinomunyangadza, zvinoti:
17. Meso ounozvikudza, rurimi runoreva nhema, Maoko anodurura ropa risina mhaka;
18. moyo unofunga mano akaipa, Tsoka dzinokurumidza kuvangira zvakashata;
19. Chapupu chinonyengera chinoreva nhema, Uye anokusha kupesana pakati pehama.
20. Mwanakomana wangu, chengeta murayiro wababa vako; Usarasha kudzidzisa kwamai vako.
21. Uzvisungire nguva dzose pamoyo wako; Uzvishonge pamutsipa wako.
22. Kana uchifamba, zvichakutungamirira; Kana uchivata pasi, zvichakurinda; Kana womuka, zvichataurirana newe.
23. Nokuti murayiro ndiwo mwenje; murau ndicho chiedza; Kuraira kwokurairirwa inzira youpenyu;
24. Kuti uchengetwe pamukadzi wakaipa, Pakubata kumeso kworurimi rwomutorwa.
25. Usachiva kunaka kwake mumoyo mako; Arege kukubata namafungiro ameso ake.
26. Nokuti nokuda kwechifeve munhu angasvikira pakudya chimedu bedzi chechingwa; Mukadzi womumwe munhu anovhima upenyu hunokosha.
27. Ko munhu ungaisa moto muchipfuva chake, nguvo dzake dzikasatsva here?
28. Kana munhu angatsika mazimbe anopisa, Tsoka dzake dzikasapiswa here?
29. Ndizvo zvakaita munhu anopinda kumukadzi wowokwake; Ani naani anomunyangata iye mukadzi haangaregwi kurohwa.
30. Vanhu havangazvidzi mubi kana achiba Kuti agute kana achinge ane nzara.
31. Asi kana akabatwa anofanira kudzosera zvava zvinomwe; Anofanira kuripa nefuma yose yeimba yake.
32. Anoita upombwe nomukadzi, anoshaiwa njere; Anoda kuparadza upenyu hwake ndiye anoita izvozvo.
33. Uchangozviwanira mavanga nokusakudzwa; Kunyadziswa kwake hakungatongopusikwi.
34. Nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume; Haanganzwiri tsitsi pazuva rokutsiva.
35. Haangavi nehanya nomuripo; Haangatendi, kunyange ukamuvigira zvipo zvizhinji.

  Proverbs (6/31)