Proverbs (5/31)  

1. Mwanakomana wangu, teerera uchenjeri hwangu; Rerekera nzeve yako inzwe njere dzangu;
2. Kuti ugare wakabata kungwara, Nemiromo yako ichengete zivo.
3. Nokuti miromo yomukadzi wokumwe inodonha huchi; Muromo wake unotedza kupfuura mafuta;
4. Asi pakupedzisira unovava segavakava; Unopinza somunondo une nhivi mbiri dzinocheka.
5. Tsoka dzake dzinoburukira kurufu; Nhambwe dzake dzinovavarira kuhwiro;
6. Gwara roupenyu, rakati chechetere, haariwani, Nzira dzake dzinotsauka, iye asingazvizivi.
7. Saka imi, vanakomana vangu, nditeererei; Regai kutsauka pamashoko omuromo wangu.
8. Nzira yako ngaive kure naye, Usaswedera pamukova weimba yake.
9. Kuti urege kupa vamwe kunaka kwohujaya hwako, Namakore ako kuno anomoyo mukukutu;
10. Kuti vatorwa varege kugutswa nefuma yako, Nezvibereko zvokutambura kwako zviende kumba kwomweni.
11. Iwe ugochema pakupedzisira kwako, Kana nyama yako nomuviri wako zvaparadzwa,
12. Uchiti, "Ndakavengereiko kurairirwa, moyo wangu wakashorerei kurairwa?
13. Ndakaregereiko kuteerera inzwi ravadzidzisi vangu, Nokusarerekera nzeve yangu kuna vaindiraira?
14. Ndakanga ndapinda pane zvakaipa zvose, Pakati pechaunga neungano."
15. Inwa mvura padziva rako chairo, Nemvura inoyerera patsime rako chairo.
16. Ko matsime ako anofanira kuparadzirwa here, Nzizi dzemvura dziyerere munzira dzomumusha here?
17. Ngazvive zvako woga, Zvisava zvavatorwa pamwechete newe.
18. Tsime rako ngariropafadzwe; Ufarire mukadzi wohujaya hwako.
19. Sehadzi yenondo yakanaka, nehadzi yengururu inofadza; Mazamu ake ngaakufadze nguva dzose; Ugare uchigutiswa norudo rwake.
20. Nokuti iwe, mwanakomana wangu, uchagutsirweiko nomukadzi wokumwe, Uchambundikireiko chipfuva chomweni?
21. Nokuti nzira dzomunhu dziri pamberi paJehovha; Ndiye anoyera makwara ake ose.
22. Zvivi zvake zvichabata muiti wazvo, Achabatwa namabote ezvivi zvake.
23. Achafa nokushaiwa kurairirwa; Achatsauka noukuru hwoupenzi hwake.

  Proverbs (5/31)