Proverbs (4/31)  

1. Imi vanakomana, inzwai kurairira kwababa venyu; Teererai, muzive njere.
2. Nokuti ndinokupai dzidziso yakanaka; Regai kurasha murayiro wangu.
3. Nokuti ini ndakanga ndiri mwanakomana kuna baba vangu, Mwana oga akadikanwa kwazvo, namai vangu;
4. Ivo baba vakandidzidzisa, vakati kwandiri, "moyo wako ngaunyatsobata mashoko angu; Chengeta mirairo yangu, urarame.
5. Zviwanire uchenjeri, zviwanire njere; Regai kukanganwa kana kutsauka pamashoko omuromo wangu;
6. Usahurasha, hugokuchengeta; Uhude, hugokurinda.
7. Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire uchenjeri; Uzviwanire njere nezvose zvaunazvo.
8. Uhukudze, hugokukwiridza iwe; Huchakuvigira kukudzwa, kana uchihumbundikira.
9. Huchapa musoro wako chishongo chakanaka; Huchakuisira korona inobwinya."
10. Chinzwa iwe mwanakomana wangu, ugamuchire zvandinoreva; Makore oupenyu hwako agova mazhinji.
11. Ndakakudzidzisa panzira youchenjeri; Ndakakufambisa pamakwara akarurama.
12. Kana uchifamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi; Kana uchimhanya, haungagumburwi.
13. Natsa kubata kurairirwa; usakuregedza; Ukuchengete, nokuti ndihwo hupenyu hwako.
14. Usapinda pagwara ravakaipa, Usafamba nenzira yavakashata.
15. Uinzvenge, usapinda pairi; Tsauka pairi, upfuure hako.
16. Nokuti havavati, kana vasingaiti zvakashata; Vanotorerwa hope dzavo, kana vasingagumbusi vamwe.
17. Nokuti vanodya zvokudya zvezvakaipa, Nokunwa waini yokumanikidza.
18. Asi gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, Chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.
19. Nzira yavakaipa yakaita serima; Havazivi chingavagumbusa.
20. Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu; Rerekera nzeve yako kune zvandinoreva.
21. Urambe uchitarira, Uachengete mukati momoyo wako.
22. Nokuti ndihwo hupenyu kuna vanoawana, Noukukutu hwemuviri wavo vose.
23. Chengeta moyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; Nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.
24. Bvisa kwauri nhema dzomuromo, Kutsauka kwemiromo ngakuve kure newe.
25. Meso ako ngaarurame pakutarira; Mafungiro ameso ako ngaatarire mberi kwako.
26. Gadzirira tsoka dzako gwara; Nzira dzako dzose dzive dzakasimba.
27. Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; Rutsoka rwako urubvise pane zvakaipa.

  Proverbs (4/31)