| ← Proverbs (4/31) → |
| 1. | Imi vanakomana, inzwai kurairira kwababa venyu; Teererai, muzive njere. |
| 2. | Nokuti ndinokupai dzidziso yakanaka; Regai kurasha murayiro wangu. |
| 3. | Nokuti ini ndakanga ndiri mwanakomana kuna baba vangu, Mwana oga akadikanwa kwazvo, namai vangu; |
| 4. | Ivo baba vakandidzidzisa, vakati kwandiri, "moyo wako ngaunyatsobata mashoko angu; Chengeta mirairo yangu, urarame. |
| 5. | Zviwanire uchenjeri, zviwanire njere; Regai kukanganwa kana kutsauka pamashoko omuromo wangu; |
| 6. | Usahurasha, hugokuchengeta; Uhude, hugokurinda. |
| 7. | Uchenjeri chinhu chikuru kune zvose; saka uzviwanire uchenjeri; Uzviwanire njere nezvose zvaunazvo. |
| 8. | Uhukudze, hugokukwiridza iwe; Huchakuvigira kukudzwa, kana uchihumbundikira. |
| 9. | Huchapa musoro wako chishongo chakanaka; Huchakuisira korona inobwinya." |
| 10. | Chinzwa iwe mwanakomana wangu, ugamuchire zvandinoreva; Makore oupenyu hwako agova mazhinji. |
| 11. | Ndakakudzidzisa panzira youchenjeri; Ndakakufambisa pamakwara akarurama. |
| 12. | Kana uchifamba, tsoka dzako hadzingapinganidzwi; Kana uchimhanya, haungagumburwi. |
| 13. | Natsa kubata kurairirwa; usakuregedza; Ukuchengete, nokuti ndihwo hupenyu hwako. |
| 14. | Usapinda pagwara ravakaipa, Usafamba nenzira yavakashata. |
| 15. | Uinzvenge, usapinda pairi; Tsauka pairi, upfuure hako. |
| 16. | Nokuti havavati, kana vasingaiti zvakashata; Vanotorerwa hope dzavo, kana vasingagumbusi vamwe. |
| 17. | Nokuti vanodya zvokudya zvezvakaipa, Nokunwa waini yokumanikidza. |
| 18. | Asi gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, Chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru. |
| 19. | Nzira yavakaipa yakaita serima; Havazivi chingavagumbusa. |
| 20. | Mwanakomana wangu, teerera mashoko angu; Rerekera nzeve yako kune zvandinoreva. |
| 21. | Urambe uchitarira, Uachengete mukati momoyo wako. |
| 22. | Nokuti ndihwo hupenyu kuna vanoawana, Noukukutu hwemuviri wavo vose. |
| 23. | Chengeta moyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; Nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu. |
| 24. | Bvisa kwauri nhema dzomuromo, Kutsauka kwemiromo ngakuve kure newe. |
| 25. | Meso ako ngaarurame pakutarira; Mafungiro ameso ako ngaatarire mberi kwako. |
| 26. | Gadzirira tsoka dzako gwara; Nzira dzako dzose dzive dzakasimba. |
| 27. | Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe; Rutsoka rwako urubvise pane zvakaipa. |
| ← Proverbs (4/31) → |