| ← Proverbs (31/31) |
| 1. | Mashoko amambo Remueri; zvirevo zvaakadzidziswa namai vake. |
| 2. | "Nhai, mwanakomana wangu! Nhai, mwanakomana wemhiko dzangu! |
| 3. | Rega kupa vakadzi simba rako, Nenzira dzako kune zvinoparadza madzimambo. |
| 4. | Iwe Remueri, hazvifaniri madzimambo, hazvifaniri madzimambo kunwa waini; Namachinda kuti, `Doro riripiko?' |
| 5. | Varege kunwa, vachizokanganwa murayiro, Varege kukanganisa kururamisira vamwe vanotambudzika. |
| 6. | Ipai anoda kuparara doro, Neanomoyo unorwadza waini; |
| 7. | Ngaanwe, akanganwe urombo hwake, Arege kucharangarira kutambudzika kwake. |
| 8. | Shamisira mbeveve muromo wako, Urwire mhaka dzavose vakadai vakasiyiwa. |
| 9. | Shamisa muromo wako, utonge zvakarurama, Ururamisire murombo neanoshaiwa." |
| 10. | Ndianiko angawana mukadzi anozviita zvakanaka? Nokuti mutengo wake unokunda kwazvo mutengo wamaparera. |
| 11. | moyo womurume wake unomutenda, Naiye haangashaiwi fuma. |
| 12. | Unoitira murume wake zvakanaka, haamuitiri zvakaipa Mazuva ose oupenyu hwake. |
| 13. | Anotsvaka mvere noruchinda, Achibata namaoko ake nomufaro. |
| 14. | Akafanana nezvikepe zvavatengesi; Anondotora zvokudya zvake kure. |
| 15. | Anomuka huchiri usiku, Nokupa mhuri yake zvokudya, Navashandiri vake basa ravo. |
| 16. | Anorangarira munda, ndokuutenga; Anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake. |
| 17. | Anozvisunga chiuno nesimba, Nokusimbisa maoko ake. |
| 18. | Anoona kuti kushambadzira kwake kwabatsira; Mwenje wake haudzimi vusiku. |
| 19. | Anotambanudzira ruoko rwake kune chokurukisa; Maoko ake anobata chinorukwa. |
| 20. | Anotambanudzira murombo ruoko rwake; Anotandavadzira anoshaiwa maoko ake. |
| 21. | Haatyi chando pamusoro peimba yake, Nokuti mhuri yake yose yakafuka nguvo tsvuku. |
| 22. | Anozviitira mitsamhiro inoukomba; nguvo yake mucheka wakaisvonaka nomutsvuku. |
| 23. | Murume wake anozikanwa pamasuo eguta, Kana agere pakati pavakuru venyika. |
| 24. | Anoita zvokufuka zvomucheka achizvitengesa, Anovigira vatengesi zvisungo zvezviuno. |
| 25. | Simba nokukudzwa ndizvo zvokufuka zvake; Anoseka kana achifunga nguva inouya. |
| 26. | Anoshamisa muromo wake nouchenjeri; Rurimi rwake runodzidzisa nounyoro. |
| 27. | Anotarira zvakanaka kufamba kwemhuri yake, Asi iwe unovakunda vose."Asingadyi zvokudya zvousimbe. |
| 28. | Vana vake vanomuka, vachimuti, "Makaropafadzwa;" Nomurume wakewo anomurumbidza, achiti, |
| 29. | "Vakunda vazhinji vakaita zvakanaka,asi iwe unovakunda vose." |
| 30. | Zvinofadza zvinonyengedzera, unaki hahuna maturo; Asi mukadzi anotya Jehovha, ndiye anofanira kurumbidzwa. |
| 31. | Chimupai zvakafanira zvaakabata namaoko ake; Mabasa ake ngaamurumbidze pamasuo eguta. |
| ← Proverbs (31/31) |