Proverbs (31/31)    

1. Mashoko amambo Remueri; zvirevo zvaakadzidziswa namai vake.
2. "Nhai, mwanakomana wangu! Nhai, mwanakomana wemhiko dzangu!
3. Rega kupa vakadzi simba rako, Nenzira dzako kune zvinoparadza madzimambo.
4. Iwe Remueri, hazvifaniri madzimambo, hazvifaniri madzimambo kunwa waini; Namachinda kuti, `Doro riripiko?'
5. Varege kunwa, vachizokanganwa murayiro, Varege kukanganisa kururamisira vamwe vanotambudzika.
6. Ipai anoda kuparara doro, Neanomoyo unorwadza waini;
7. Ngaanwe, akanganwe urombo hwake, Arege kucharangarira kutambudzika kwake.
8. Shamisira mbeveve muromo wako, Urwire mhaka dzavose vakadai vakasiyiwa.
9. Shamisa muromo wako, utonge zvakarurama, Ururamisire murombo neanoshaiwa."
10. Ndianiko angawana mukadzi anozviita zvakanaka? Nokuti mutengo wake unokunda kwazvo mutengo wamaparera.
11. moyo womurume wake unomutenda, Naiye haangashaiwi fuma.
12. Unoitira murume wake zvakanaka, haamuitiri zvakaipa Mazuva ose oupenyu hwake.
13. Anotsvaka mvere noruchinda, Achibata namaoko ake nomufaro.
14. Akafanana nezvikepe zvavatengesi; Anondotora zvokudya zvake kure.
15. Anomuka huchiri usiku, Nokupa mhuri yake zvokudya, Navashandiri vake basa ravo.
16. Anorangarira munda, ndokuutenga; Anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake.
17. Anozvisunga chiuno nesimba, Nokusimbisa maoko ake.
18. Anoona kuti kushambadzira kwake kwabatsira; Mwenje wake haudzimi vusiku.
19. Anotambanudzira ruoko rwake kune chokurukisa; Maoko ake anobata chinorukwa.
20. Anotambanudzira murombo ruoko rwake; Anotandavadzira anoshaiwa maoko ake.
21. Haatyi chando pamusoro peimba yake, Nokuti mhuri yake yose yakafuka nguvo tsvuku.
22. Anozviitira mitsamhiro inoukomba; nguvo yake mucheka wakaisvonaka nomutsvuku.
23. Murume wake anozikanwa pamasuo eguta, Kana agere pakati pavakuru venyika.
24. Anoita zvokufuka zvomucheka achizvitengesa, Anovigira vatengesi zvisungo zvezviuno.
25. Simba nokukudzwa ndizvo zvokufuka zvake; Anoseka kana achifunga nguva inouya.
26. Anoshamisa muromo wake nouchenjeri; Rurimi rwake runodzidzisa nounyoro.
27. Anotarira zvakanaka kufamba kwemhuri yake, Asi iwe unovakunda vose."Asingadyi zvokudya zvousimbe.
28. Vana vake vanomuka, vachimuti, "Makaropafadzwa;" Nomurume wakewo anomurumbidza, achiti,
29. "Vakunda vazhinji vakaita zvakanaka,asi iwe unovakunda vose."
30. Zvinofadza zvinonyengedzera, unaki hahuna maturo; Asi mukadzi anotya Jehovha, ndiye anofanira kurumbidzwa.
31. Chimupai zvakafanira zvaakabata namaoko ake; Mabasa ake ngaamurumbidze pamasuo eguta.

  Proverbs (31/31)