← Proverbs (30/31) → |
1. | Mashoko aAguri, mwanakomana waJake; chirevo chake. Murume anoti kuna Itieri, kuna Itieri naUkari, |
2. | "Zvirokwazvo, ndiri benzi kupfuura vanhu vose; Handine njere dzomunhu. |
3. | Handina kudzidza uchenjeri, Uye handina zivo yoMutsvene. |
4. | Ndiani akakwira kudenga, akaburukazve? Ndiani akasungira mvura munguvo yake? Ndiani akasungira migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, nezita romwanakomana wake, kana uchiriziva? |
5. | Shoko rimwe nerimwe raMwari rakanatswa; Ndiye nhovo yavose vanovanda maari. |
6. | Usawedzera pamashoko ake, Kuti arege kukupa mhosva, uwanikwe une nhema." |
7. | Zvinhu zviviri ndakakumbira kwamuri; Musandirambira izvo, ndisati ndafa. |
8. | Bvisai kure neni zvisina kutendeka nenhema; Regai kundipa urombo kana fuma; Mundigutse nezvokudya zvakandifanira; |
9. | Ndirege kuti kana ndaguta, ndikurambei, ndichiti, "Jehovha ndianiko?" Kana zvimwe ndive murombo, ndibe, Ndimhure zita raMwari wangu. |
10. | Rega kuudzisira muranda kuna tenzi vake, Arege kukutuka, ukanzi une mhosva. |
11. | Rudzi ruriko runotuka baba varwo, Rusingaropafadzi mai varwo. |
12. | Rudzi ruriko runoti pakuona kwedu takachena kwazvo, Asi rusina kunatswa patsvina yarwo. |
13. | Rudzi ruriko, meso arwo ana manyawi sei! Mafungiro ameso avo akakwidzwa. |
14. | Rudzi ruriko, meno ago akafanana neminondo, nameno eshaya dzarwo samapanga, Kuti rupedze varombo panyika, navanoshaiwa pakati pavanhu. |
15. | Chikweva ropa chinavakunda vaviri, vanoti, "Ndipe! Ndipe!" Zvinhu zvitatu zviriko zvisingatongoguti, Zvina zvisingatongoti, "Zvaringana!" |
16. | Sheori; nechizvaro chisingabereki; Pasi pasingaguti mvura; Nomoto, usingati, "Zvaringana!" |
17. | Ziso rinoseka baba, Rinoshora kuteerera mai, Makunguvo omupata acharinongora, Vana vegondo vacharidya. |
18. | Zvinhu zvitatu zviriko zvinondishamisa, Zvirokwazvo zvina, zvandisingazivi, zvinoti: |
19. | Kufamba kwegondo mudenga; Kufamba kwenyoka paruware; Kufamba kwechikepe pakati pegungwa; Nokufamba kwomurume nomusikana. |
20. | Ndizvo zvakaita kufamba kwomukadzi woupombwe; Anodya, ndokupisika muromo wake, Achiti, "Handina kuita chinhu chakaipa." |
21. | Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu; Uye nokuda kwezvina zvaisingadi kuona; |
22. | Nokuda kwomuranda kana achizova mambo; Nokuda kwebenzi, kana raguta zvokudya; |
23. | Nokuda kwomukadzi arambwa, kana azowanikwa; Uye mushandiri, kana azova mugari wenhaka yatenzi wake. |
24. | Zvinhu zvina zviriko panyika zviduku hazvo, Asi zvakachenjera kwazvo, zvinoti: |
25. | Majuru, rudzi rusine simba harwo; Kunyange zvakadaro anounganidza zvokudya zvawo muzhizha; |
26. | Mbira, rudzi rusine simba harwo, Kunyange zvakadaro dzinoita imba yadzo mumatombo; |
27. | Mhashu hadzina mambo , Kunyange zvakadaro dzinofamba zvakanaka dzichiita mapoka; |
28. | Chipfira ungachibata namaoko ako, Kunyange zvakadaro chiri mudzimba dzamadzimambo. |
29. | Zvinhu zvitatu zviriko zvinokufamba kunokudzwa, Zvirokwazvo zvina zvinokufamba kunokudzwa, zvinoti: |
30. | Shumba, mhare pakati pemhuka dzose, Isingatizi mhuka ipi neipi; |
31. | Nemhuka ine zviuno zakasimba, nenhongo yembudzi; Namambo kana anavarwi vake. |
32. | Kana uchinge waita noupenzi, wazvikudza, Kana zvimwe warangarira zvakashata, Pfumbira muromo wako. |
33. | Nokuti mukaka warozva unobudisa mafuta, Nemhino dzadzvinyiwa dzinobudisa ropa, Saizvozvo hasha dzvavambwa dzinobudisa kukakavara. |
← Proverbs (30/31) → |