Proverbs (30/31)  

1. Mashoko aAguri, mwanako­mana waJake; chirevo chake. Murume anoti kuna Itieri, kuna Itieri naUkari,
2. "Zvirokwazvo, ndiri benzi kupfuura vanhu vose; Handine njere dzomunhu.
3. Handina kudzidza uchenjeri, Uye handina zivo yoMutsvene.
4. Ndiani akakwira kudenga, akaburukazve? Ndiani akasungira mvura munguvo yake? Ndiani akasungira migumo yose yenyika? Zita rake ndiani, nezita romwanakomana wake, kana uchiriziva?
5. Shoko rimwe nerimwe raMwari rakanatswa; Ndiye nhovo yavose vanovanda maari.
6. Usawedzera pamashoko ake, Kuti arege kukupa mhosva, uwanikwe une nhema."
7. Zvinhu zviviri ndakakumbira kwamuri; Musandirambira izvo, ndisati ndafa.
8. Bvisai kure neni zvisina kutendeka nenhema; Regai kundipa urombo kana fuma; Mundigutse nezvokudya zvakandifanira;
9. Ndirege kuti kana ndaguta, ndikurambei, ndichiti, "Jehovha ndianiko?" Kana zvimwe ndive murombo, ndibe, Ndimhure zita raMwari wangu.
10. Rega kuudzisira muranda kuna tenzi vake, Arege kukutuka, ukanzi une mhosva.
11. Rudzi ruriko runotuka baba varwo, Rusingaropafadzi mai varwo.
12. Rudzi ruriko runoti pakuona kwedu takachena kwazvo, Asi rusina kunatswa patsvina yarwo.
13. Rudzi ruriko, meso arwo ana manyawi sei! Mafungiro ameso avo akakwidzwa.
14. Rudzi ruriko, meno ago akafanana neminondo, nameno eshaya dzarwo samapanga, Kuti rupedze varombo panyika, navanoshaiwa pakati pavanhu.
15. Chikweva ropa chinavakunda vaviri, vanoti, "Ndipe! Ndipe!" Zvinhu zvitatu zviriko zvisingatongoguti, Zvina zvisingatongoti, "Zvaringana!"
16. Sheori; nechizvaro chisingabereki; Pasi pasingaguti mvura; Nomoto, usingati, "Zvaringana!"
17. Ziso rinoseka baba, Rinoshora kuteerera mai, Makunguvo omupata acharinongora, Vana vegondo vacharidya.
18. Zvinhu zvitatu zviriko zvinondishamisa, Zvirokwazvo zvina, zvandisingazivi, zvinoti:
19. Kufamba kwegondo mudenga; Kufamba kwenyoka paruware; Kufamba kwechikepe pakati pegungwa; Nokufamba kwomurume nomusikana.
20. Ndizvo zvakaita kufamba kwomukadzi woupombwe; Anodya, ndokupisika muromo wake, Achiti, "Handina kuita chinhu chakaipa."
21. Nyika inodedera nokuda kwezvinhu zvitatu; Uye nokuda kwezvina zvaisingadi kuona;
22. Nokuda kwomuranda kana achizova mambo; Nokuda kwebenzi, kana raguta zvokudya;
23. Nokuda kwomukadzi arambwa, kana azowanikwa; Uye mushandiri, kana azova mugari wenhaka yatenzi wake.
24. Zvinhu zvina zviriko panyika zviduku hazvo, Asi zvakachenjera kwazvo, zvinoti:
25. Majuru, rudzi rusine simba harwo; Kunyange zvakadaro anounganidza zvokudya zvawo muzhizha;
26. Mbira, rudzi rusine simba harwo, Kunyange zvakadaro dzinoita imba yadzo mumatombo;
27. Mhashu hadzina mambo , Kunyange zvakadaro dzinofamba zvakanaka dzichiita mapoka;
28. Chipfira ungachibata namaoko ako, Kunyange zvakadaro chiri mudzimba dzamadzimambo.
29. Zvinhu zvitatu zviriko zvinokufamba kunokudzwa, Zvirokwazvo zvina zvinokufamba kunokudzwa, zvinoti:
30. Shumba, mhare pakati pemhuka dzose, Isingatizi mhuka ipi neipi;
31. Nemhuka ine zviuno zakasimba, nenhongo yembudzi; Namambo kana anavarwi vake.
32. Kana uchinge waita noupenzi, wazvikudza, Kana zvimwe warangarira zvakashata, Pfumbira muromo wako.
33. Nokuti mukaka warozva unobudisa mafuta, Nemhino dzadzvinyiwa dzinobudisa ropa, Saizvozvo hasha dzvavambwa dzinobudisa kukakavara.

  Proverbs (30/31)