Proverbs (3/31)  

1. Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu; Asi moyo wako ngauchengete mirairo yangu;
2. Nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, Namakore ohupenyu, norugare.
3. Rudo nezvokwadi ngazvirege kukusiya; Uzvisungire pamutsipa wako; Uzvinyore pahwendefa romoyo wako;
4. Nokudaro uchawana nyasha nenjere dzakanaka Pamberi paMwari navanhu.
5. Vimba naJehovha nomoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako.
6. Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose.
7. Usazviti ndakachenjera; Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa;
8. Zvichava mushonga womuviri wako, Nomwongo wamapfupa ako.
9. Kudza Jehovha nezvaunazvo, Uye nezvitsva zvazvose zvawakawana;
10. Ipapo matura ako achazadzwa nezvakawanda, Makate ako achapfachuka newaini itsva.
11. Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha; Usaneta nokuraira kwake.
12. Nokuti Jehovha anoraira mudikanwa wake; Sezvinoita baba mwanakomana wavo wavanofarira.
13. Munhu, awana uchenjeri, anomufaro, Naiye munhu, anowana njere.
14. Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivha; Nokufuma nahwo kunopfuura kufuma nendarama.
15. Hunokosha kupfuura korari; Hakune fuma yako ingaenzaniswa nahwo.
16. Mazuva mazhinji ohupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; Muruoko rwahwo rworuboshwe mune fuma nokukudzwa.
17. Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza; Makwara ahwo ose ndoorugare.
18. Ndiwo muti woupenyu kuna vanohunamatira; Mumwe nomumwe anohubata anomufaro.
19. Jehovha akateya pasi nouchenjeri; Wakasimbisa kudenga-denga nenjere.
20. Mvura iri makadzika yakadzutuka nezivo yake; Denga rose rakadonha dova.
21. Mwanakomana wangu, ngazvirege kubva pameso ako; Chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara.
22. Ipapo zvichava upenyu hwomweya Noukomba pamutsipa wako.
23. Ipapo uchafamba nenzira yako wakasimba; Rutsoka rwako harungagumburwi.
24. Kana uchivata pasi haungatyi; Uye kana wavata pasi hope dzako dzichava dzakanaka.
25. Usatya hako chivhunduso chinokuwira kamwe-kamwe, Kunyange kuparadzwa kwavakaipa, kana kuchisvika;
26. Nokuti Jehovha achava chivimbo chako; Achachengeta rutsoka rwako, kuti rurege kubatwa.
27. Munhu, akafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka Kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita.
28. Usati kunowokwako, "Enda, ugodzokazve, Mangwana ndichakupa;" Kana uchinge unazvopo.
29. Usafunga kuitira wokwako zvakaipa, Zvaanogara hake newe achikutenda.
30. Usarwa nomunhu pasina mhosva, Kana asina kukuitira zvakaipa.
31. Usagodora munhu anomanikidza; Usatevera kunyange nomumwe wemitovo yake.
32. Nokuti mutsauki inyangadzi kuna Jehovha; Asi ano hukama navakarurama.
33. Kutukwa naJehovha kuri mumba mowakaipa; Asi unoropafadza ugaro hwavakarurama.
34. Kana vari vadadi, anovadadira, Asi vanozvininipisa anovaitira nyasha.
35. Vakachenjera vachagara nhaka yokukudzwa; Asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa. Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa;

  Proverbs (3/31)