| ← Proverbs (3/31) → |
| 1. | Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu; Asi moyo wako ngauchengete mirairo yangu; |
| 2. | Nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, Namakore ohupenyu, norugare. |
| 3. | Rudo nezvokwadi ngazvirege kukusiya; Uzvisungire pamutsipa wako; Uzvinyore pahwendefa romoyo wako; |
| 4. | Nokudaro uchawana nyasha nenjere dzakanaka Pamberi paMwari navanhu. |
| 5. | Vimba naJehovha nomoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako. |
| 6. | Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose. |
| 7. | Usazviti ndakachenjera; Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa; |
| 8. | Zvichava mushonga womuviri wako, Nomwongo wamapfupa ako. |
| 9. | Kudza Jehovha nezvaunazvo, Uye nezvitsva zvazvose zvawakawana; |
| 10. | Ipapo matura ako achazadzwa nezvakawanda, Makate ako achapfachuka newaini itsva. |
| 11. | Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha; Usaneta nokuraira kwake. |
| 12. | Nokuti Jehovha anoraira mudikanwa wake; Sezvinoita baba mwanakomana wavo wavanofarira. |
| 13. | Munhu, awana uchenjeri, anomufaro, Naiye munhu, anowana njere. |
| 14. | Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivha; Nokufuma nahwo kunopfuura kufuma nendarama. |
| 15. | Hunokosha kupfuura korari; Hakune fuma yako ingaenzaniswa nahwo. |
| 16. | Mazuva mazhinji ohupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; Muruoko rwahwo rworuboshwe mune fuma nokukudzwa. |
| 17. | Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza; Makwara ahwo ose ndoorugare. |
| 18. | Ndiwo muti woupenyu kuna vanohunamatira; Mumwe nomumwe anohubata anomufaro. |
| 19. | Jehovha akateya pasi nouchenjeri; Wakasimbisa kudenga-denga nenjere. |
| 20. | Mvura iri makadzika yakadzutuka nezivo yake; Denga rose rakadonha dova. |
| 21. | Mwanakomana wangu, ngazvirege kubva pameso ako; Chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara. |
| 22. | Ipapo zvichava upenyu hwomweya Noukomba pamutsipa wako. |
| 23. | Ipapo uchafamba nenzira yako wakasimba; Rutsoka rwako harungagumburwi. |
| 24. | Kana uchivata pasi haungatyi; Uye kana wavata pasi hope dzako dzichava dzakanaka. |
| 25. | Usatya hako chivhunduso chinokuwira kamwe-kamwe, Kunyange kuparadzwa kwavakaipa, kana kuchisvika; |
| 26. | Nokuti Jehovha achava chivimbo chako; Achachengeta rutsoka rwako, kuti rurege kubatwa. |
| 27. | Munhu, akafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka Kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita. |
| 28. | Usati kunowokwako, "Enda, ugodzokazve, Mangwana ndichakupa;" Kana uchinge unazvopo. |
| 29. | Usafunga kuitira wokwako zvakaipa, Zvaanogara hake newe achikutenda. |
| 30. | Usarwa nomunhu pasina mhosva, Kana asina kukuitira zvakaipa. |
| 31. | Usagodora munhu anomanikidza; Usatevera kunyange nomumwe wemitovo yake. |
| 32. | Nokuti mutsauki inyangadzi kuna Jehovha; Asi ano hukama navakarurama. |
| 33. | Kutukwa naJehovha kuri mumba mowakaipa; Asi unoropafadza ugaro hwavakarurama. |
| 34. | Kana vari vadadi, anovadadira, Asi vanozvininipisa anovaitira nyasha. |
| 35. | Vakachenjera vachagara nhaka yokukudzwa; Asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa. Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa; |
| ← Proverbs (3/31) → |