Proverbs (29/31)  

1. Munhu akarairwa kazhinji, achiomesa mutsipa wake, Achaparadzwa pakarepo, kusina chingamubatsira.
2. Kana vakarurama vowanda, vanhu vanofara; Asi kana munhu wakaipa achibata ushe, vanhu vanogomera.
3. Ani naani anoda uchenjeri, anofadza baba vake; Asi anoshamwaridzana nezvifeve, anorasha fuma yake.
4. Mambo anosimbisa nyika yake nokururamisa; Asi munhu wemitero, anoiparadza.
5. Munhu anobata wokwake kumeso, Anodzikira tsoka dzake mumbure.
6. Pakudarika kwomunhu akashata pano musungo; Asi wakarurama achaimba nokufara kwazvo.
7. Akarurama anoziva kururamisira mhaka dzavarombo; Asi akaipa haanzwisisi zivo.
8. Vadadi vanopisira guta; Asi vakachenjera vanodzora kutsamwa.
9. Kana munhu akarurama ane mhaka nebenzi, Iye achatsamwa nokuseka, asi hakungavi nezororo.
10. Vanhu veropa vanovenga akarurama; Asi vakarurama vanotsvaka kuraramisa mweya wake.
11. Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose; Asi munhu akachenjera anodzidzora nokudzinyaradza.
12. Kana mubati achiteerera nhema, Varanda vake vose vachava vakaipa.
13. Murombo nomunhu anomanikidza vanosangana pamwechete; Jehovha anovhenekera meso avose.
14. Mambo anoruramisira varombo nokutendeka, Chigaro chake chichasimbiswa nokusingaperi.
15. Shamhu nokuraira zvinouyisa huchenjeri; Asi mwana wangoregwa hake anonyadzisa mai vake.
16. Kana vakaipa vowanda, kudarika kunowandawo; Asi vakarurama vachaona kuwa kwavo.
17. Rairira mwanakomana wako, agokuzorodza; Zvirokwazvo achafadza mweya wako.
18. Kana Jehovha asingazviratidzi, vanhu vanoramba kudzorwa; Asi anochengeta murayiro, anomufaro.
19. Muranda angaramba kurairirwa namashoko bedzi; Nokuti, kunzwisisa anonzwisisa hake, asi haane hanya nazvo.
20. Unoona munhu unokurumidza kutsamwa? Benzi riri nani kuna iye.
21. Kana munhu achirera muranda wake zvakanaka kubva pahuduku hwake, Pakupedzisira achada kuva mwanakomana.
22. Munhu wakatsamwa anomutsa kukakavara; Munhu ane hasha anokudarika kuzhinji.
23. Kuzvikudza kwomunhu kuchamudukupisa; Asi ano mweya unozvininipisa, achakudzwa.
24. Ani naani anoshamwaridzana nembavha, anovenga mweya wake; Anonzwa kupikwa, asi haareururi chinhu.
25. Kutya munhu kunouyisa musungo; Asi ani naani anovimba naJehovha, achachengetwa.
26. Vazhinji vanotsvaka nyasha yomubati; Asi kururamisirwa kwomunhu kunobva kuna Jehovha.
27. Munhu asakarurama anonyangadza akarurama; Uye akarurama panzira dzake anonyangadza akaipa.

  Proverbs (29/31)