Proverbs (28/31)  

1. Akaipa anotiza kusina anodziĀ­ngana naye; Asi vakarurama vanotsunga moyo seshumba.
2. Nemhaka yokudarika kwenyika, machinda ayo anowanda; Asi nomumwe, ane njere nezivo, icharamba iripo.
3. Munhu anoshaiwa amene, anomanikidza varombo, Akafanana nemvura inokukura, isingasiyi zvokudya.
4. Vanosiya murayiro, vanorumbidza vakaipa; Asi vanochengeta murayiro, vanoita nharo navo.
5. Vanhu vakashata havanzwisisi zvakarurama; Asi vanotsvaka Jehovha vanonzwisisa zvose.
6. Murombo, anofamba muzvokwadi yake, Anopfuura asakarurama anofamba nenzira mbiri, kunyange akafuma.
7. Anochengeta murayiro, mwanakomana akachenjera; Asi anofambidzana navanhu vana madyo, vanonyadzisa baba vake.
8. Anowedzera fuma yake nemhindu kana nokuwedzera kusakarurama, Anounganidzira mumwe achava netsitsi navarombo.
9. Anoramba kunzwa murayiro nenzeve yake, Kunyange nomunyengetero wake anonyangadza.
10. Ani naani anorashisa vakarurama vafambe nenzira yakaipa, Achawira amene mugomba rake; Asi vakarurama vachagara nhaka yezvakanaka.
11. Mupfuri anoti ndakachenjera; Asi murombo, ane njere, anomuferefeta.
12. Kana vakarurama vachikunda, mufaro mukuru uriko; Asi kana vakaipa vosimba, vanhu vovanda.
13. Anofukidza kudarika kwake, haangavi nomufaro; Asi anozvireurura, achizvirasha, achawana nyasha.
14. Munhu anogara achitya, anomufaro; Asi anoomesa moyo wake, achawira munjodzi.
15. Seshumba inoomba, nebere rinopota-pota, Ndizvo zvakaita mubati akaipa anobata vanhu varombo.
16. Muchinda, anoshaiwa njere, anomanikidza vanhuwo zvikuru; Asi anovenga kuchiva, achawedzera mazuva ake.
17. Munhu, anoremedzwa neropa romumwe munhu, Achatizira kugomba; ngaarege kudziviswa nomunhu.
18. Ani naani anofamba zvakarurama, acharwirwa; Asi anofamba nenzira dzisakarurama, achawa pakarepo.
19. Anorima munda wake, achava nezvokudya zvizhinji; Asi unovangira zvisina maturo, uchava nourombo kwazvo.
20. Munhu akatendeka achava namaropafadzo mazhinji; Asi anoda kufuma nokukurumidza, haangakoni kurohwa.
21. Kutsaura vanhu hakuna kunaka; Nokuti munhu angadarika nokuda kwechimedu chechingwa.
22. Munhu ano ruchiva, anovangira fuma, Asingazivi kuti achawirwa nokushaiwa.
23. Anorairira munhu achazowana nyasha pashure, Kupfuura iye anobata kumeso norurimi rwake.
24. Anobira baba vake kana amai vake, achiti, "Hakuzi kudarika," Uyu ishamwari yoanoparadza.
25. Ano mweya wokuchiva anomutsa kukakavara; Asi anovimba naJehovha, achasimbiswa.
26. Anotenda moyo wake, ibenzi; Asi anofamba nouchenjeri, acharwirwa.
27. Anopa varombo, haangazoshaiwi; Asi anotsinzina meso ake, achatukwa kazhinji.
28. Kana vakaipa vosimba, vanhu vovanda; Asi kana voparara, vakarurama vowanda.

  Proverbs (28/31)