← Proverbs (27/31) → |
1. | Usazvirumbidza pamusoro pezuva ramangwana; Nokuti hauzivi chaungavigirwa nezuva rimwe. |
2. | Mumwe ngaakurumbidze, urege kuva muromo wako; Ngaave mweni, irege kuva miromo yako. |
3. | Ibwe rinorema, uye jecha rinorema; Asi kutsamwa kwebenzi kunokurira zvose nokurema. |
4. | Hasha dzinokuvadza, uye kutsamwa kunokukura; Asi ndiani angamira pamberi pegodo. |
5. | Kurairwa pachena kunopfuura Rudo rwakavanzwa. |
6. | Mavanga anotemwa neshamwari angatendwa, Asi kutsoda kwomuvengi kunonyengedza. |
7. | Mweya wakaguta unotsika pasi musvi wouchi; Asi mweya une nzara unoti zvose zvinozipa kunyange zvichivava. |
8. | Seshiri inoburuka ichienda kure nedendere rayo, Ndizvo zvakaita munhu anofamba-famba kure napaanogara. |
9. | Mafuta nezvinonhuwira zvinofadza moyo; Ndizvo zvinoitawo kunaka kwoushamwari hwomunhu kunobva pakuyanana kwemweya. |
10. | Usasiya shamwari yako neshamwari yababa vako; Usaenda kumba kwomunun’una wako nezuva renhamo yako; Wokwako, ari pedo, anopfuura munun’una uri kure, |
11. | Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze moyo wangu; Kuti ndigone kupindura anondishora. |
12. | Munhu akangwara anoona zvakaipa, ndokuvanda; Asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi. |
13. | Munhu anozviita rubatso kumutorwa, umutorere nguvo yake; Umuite rubatso iye akazviita rubatso kumukadzi wokumwe. |
14. | Anoropafadza shamwari yake nenzwi guru, achifumira mangwanani, Achanzi wakatukwa pamusoro pazvo. |
15. | Kudonha kusingaperi pazuva remvura zhinji Nomukadzi anokakavara, zvakafanana. |
16. | Anoda kumudzivisa, anodzidzisa mhepo; Ruoko rwake rworudyi rwakabata mafuta. |
17. | Simbi inorodza simbi; Saizvozvo munhu anorodza chiso cheshamwari yake. |
18. | Ani naani anochengeta muonde, achadya zvibereko zvawo; Anochengeta tenzi wake, achakudzwa. |
19. | Chiso sezvachinotarisana nechiso mumvura, Saizvozvo moyo womunhu unotarisana nomunhu. |
20. | Sheori neAbhadhoni hazvitongoguti; Nameso omunhu haaguti. |
21. | Hari yokunyausa ndeyesirivha, nevira nderendarama; Saizvozvo munhu anozikanwa nezvaanofarira. |
22. | Kunyange ukatswa benzi muduri nomutsi pakati pezviyo zvinotsiwa, Hupenzi hwaro hahungabvi kwariri. |
23. | Shingaira uzive kuti makwai ako akadini; Uchengete zvakanaka mapoka ako. |
24. | Nokuti fuma haigari nokusingaperi; Ko korona inogara kusvikira kumarudzi ose here? |
25. | Uswa hunoenda bumhudza ndokubuda, Nemiriwo yamakomo inovunganidzwa. |
26. | Makwayana anokuvigira zvokufuka zvako, Uye mbudzi ndiwo mutengo weminda. |
27. | Mukaka wembudzi ucharingana zvokudya zvako, nezvokudya zveimba yako, Nokuraramisa varandasikana vako. |
← Proverbs (27/31) → |