Proverbs (27/31)  

1. Usazvirumbidza pamusoro pe­zuva ramangwana; Nokuti hauzivi chaungavigirwa nezuva rimwe.
2. Mumwe ngaakurumbidze, urege kuva muromo wako; Ngaave mweni, irege kuva miromo yako.
3. Ibwe rinorema, uye jecha rinorema; Asi kutsamwa kwebenzi kunokurira zvose nokurema.
4. Hasha dzinokuvadza, uye kutsamwa kunokukura; Asi ndiani angamira pamberi pegodo.
5. Kurairwa pachena kunopfuura Rudo rwakavanzwa.
6. Mavanga anotemwa neshamwari angatendwa, Asi kutsoda kwomuvengi kunonyengedza.
7. Mweya wakaguta unotsika pasi musvi wouchi; Asi mweya une nzara unoti zvose zvinozipa kunyange zvichivava.
8. Seshiri inoburuka ichienda kure nedendere rayo, Ndizvo zvakaita munhu anofamba-famba kure napaanogara.
9. Mafuta nezvinonhuwira zvinofadza moyo; Ndizvo zvinoitawo kunaka kwoushamwari hwomunhu kunobva pakuyanana kwemweya.
10. Usasiya shamwari yako neshamwari yababa vako; Usaenda kumba kwomunun’una wako nezuva renhamo yako; Wokwako, ari pedo, anopfuura munun’una uri kure,
11. Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze moyo wangu; Kuti ndigone kupindura anondishora.
12. Munhu akangwara anoona zvakaipa, ndokuvanda; Asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.
13. Munhu anozviita rubatso kumutorwa, umutorere nguvo yake; Umuite rubatso iye akazviita rubatso kumukadzi wokumwe.
14. Anoropafadza shamwari yake nenzwi guru, achifumira mangwanani, Achanzi wakatukwa pamusoro pazvo.
15. Kudonha kusingaperi pazuva remvura zhinji Nomukadzi anokakavara, zvakafanana.
16. Anoda kumudzivisa, anodzidzisa mhepo; Ruoko rwake rworudyi rwakabata mafuta.
17. Simbi inorodza simbi; Saizvozvo munhu anorodza chiso cheshamwari yake.
18. Ani naani anochengeta muonde, achadya zvibereko zvawo; Anochengeta tenzi wake, achakudzwa.
19. Chiso sezvachinotarisana nechiso mumvura, Saizvozvo moyo womunhu unotarisana nomunhu.
20. Sheori neAbhadhoni hazvitongoguti; Nameso omunhu haaguti.
21. Hari yokunyausa ndeyesirivha, nevira nderendarama; Saizvozvo munhu anozikanwa nezvaanofarira.
22. Kunyange ukatswa benzi muduri nomutsi pakati pezviyo zvinotsiwa, Hupenzi hwaro hahungabvi kwariri.
23. Shingaira uzive kuti makwai ako akadini; Uchengete zvakanaka mapoka ako.
24. Nokuti fuma haigari nokusingaperi; Ko korona inogara kusvikira kumarudzi ose here?
25. Uswa hunoenda bumhudza ndokubuda, Nemiriwo yamakomo inovunganidzwa.
26. Makwayana anokuvigira zvokufuka zvako, Uye mbudzi ndiwo mutengo weminda.
27. Mukaka wembudzi ucharingana zvokudya zvako, nezvokudya zveimba yako, Nokuraramisa varandasikana vako.

  Proverbs (27/31)