| ← Proverbs (26/31) → |
| 1. | Sezvakaita chando muzhizha, uye sezvakaita mvura mukucheka, Saizvozvo kukudzwa hakufaniri benzi. |
| 2. | Sezvinoita shiri pakupaparika kwayo, nenyenganyenga pakubhururuka kwayo, Saizvozvo kutuka pasina mhosva hakuitiki. |
| 3. | Tyava yakaitirwa bhiza, namatomu mbongoro, Neshamhu musana wamapenzi. |
| 4. | Usapindura benzi noupenzi hwaro, Kuti urege kufanana naro. |
| 5. | Pindura benzi noupenzi hwaro, Kuti rirege kuti rakachenjera. |
| 6. | Anotuma shoko noruoko rwebenzi, Unozvigura tsoka, nokunwa kutambudzika. |
| 7. | Makumbo echirema anongoremberera; Ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi. |
| 8. | Somunhu anosungira ibwe pachifuramabwe, Ndizvo zvakaita iye anokudza benzi. |
| 9. | Sezvinoita minzwa muruoko rwomukariri wedoro, Ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi |
| 10. | somupfuri wemiseve, unopfura zvose, Ndizvo zvakaita munhu anosevenzesa benzi neanosevenzesa vafambi. |
| 11. | Sembwa inodzokera kumarutsi ayo, Ndizvo zvakaita benzi rinopamhidza upenzi hwaro. |
| 12. | Unoona munhu anoti ndakachenjera here? Benzi riri nani kuna iye! |
| 13. | Simbe inoti, "Kune shumba panzira; Shumba iri munzira dzomumusha." |
| 14. | Gonhi rinotendereka pamahinji aro; Ndizvo zvinoita simbe panhovo dzayo. |
| 15. | Simbe inopinza ruoko rwayo mundiro, Ino usimbe kurudzoserazve kumuromo wayo. |
| 16. | Simbe inozviti ndakachenjera Kupfuura vanhu vanomwe vanogona kupindura nenjere. |
| 17. | Somunhu anobata imbwa nenzeve dzayo, ichingopfuura hayo, Ndizvo zvakaita munhu anozvipinza pagakava raasina mhosva naro. |
| 18. | Somupengo anokanda zvitsiga, Nemiseve, nezvinouraya, |
| 19. | Ndizvo zvinoita munhu anonyengedzera wokwake, Achiti, "Ndinongoita zvangu jee!" |
| 20. | Moto unodzima nokushaiwa huni; Uye kana kusina mucheri, gakava rinopera. |
| 21. | Sezvakaita mazimbe pazvitsiga zvinopfuta, nehuni pamoto, Ndizvo zvakaita munhu wegakava pakupfutidza rukave. |
| 22. | Mashoko omucheri akaita sezvimedu zvinozipa, Zvinoburukira mukati-kati momuviri. |
| 23. | Miromo inopisa norudo pamwechete nomoyo wakaipa, Zvakafanana nomudziyo wevhu wakanamirwa namarara anobva pasirivha. |
| 24. | Muvengi anonyengedzera nemiromo yake, Asi anovanza kunyengedzera mumoyo make. |
| 25. | Kana achitaura zvinonaka, usamutenda; Nokuti mumoyo make mune zvinonyangadza zvinomwe. |
| 26. | Kunyange kuvenga kwake kuchizvivanza nokunyengedzera, Kushata kwake kuchabudiswa pachena pamberi peungano. |
| 27. | Ani naani anochera gomba, achawiramo iye; Anokungurusa ibwe, richadzokera pamusoro pake. |
| 28. | Rurimi rwenhema runovenga akuvadzwa narwo; Nomuromo unobata kumeso unoparadza. |
| ← Proverbs (26/31) → |