| ← Proverbs (25/31) → |
| 1. | Izvowo ndizvo zvirevo zvaSoromoni, zvakanyorwa navanhu vaHezekia mambo wavaJudha, |
| 2. | Ndiko kukudzwa kwaMwari kuti avanze chinhu; Asi kukudzwa kwamadzimambo ndiko kuti vanzvere mhosva. |
| 3. | Kukwirira kwedenga, nokudzika kwenyika, Nemoyo yamadzimambo hazvibviri kunzverwa. |
| 4. | Bvisa marara pasirivha, Muumbi agobudisirwa hari. |
| 5. | Bvisa akaipa pamberi pamambo, Chigaro chake choushe chisimbiswe nokururama. |
| 6. | Usava namanyawi pamberi pamambo; Usamira panzvimbo yavakuru. |
| 7. | Nokuti zviri nani kuti vati kwauri, "Kwira pano," Pakuti uninipiswe pamberi pomuchinda. Wawaona nameso ako |
| 8. | Usakurumidza kundoita nharo; Nokuti uchazodini pashure, Kana wokwako akunyadzisa? |
| 9. | Rangana nowakaipa pamusoro pemhosva iri pakati penyu, Asi usareurura zvakavanzika zvomumwe; |
| 10. | Kuti mumwe anozvinzwa arege kukutuka, Gungwa rako rikasaguma. |
| 11. | Shoko rinotaurwa nenguva yakafanira, Rakafanana namatamba endarama mumidziyo yesirivha. |
| 12. | Murairi akachenjera panzeve inoteerera, Zvakafanana nechindori chenzeve chendarama noukomba hwendarama yakaisvonaka. |
| 13. | Nhume yakatendeka kuna vanoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokucheka; nokuti anoponesa mweya yavatenzi vayo. |
| 14. | Munhu anozvirumbidza pamusoro pechipo chenhema, Akafanana namakore nemhepo zvisina mvura. |
| 15. | Mubati anokundwa kana achiitirwa moyo murefu, Uye rurimi runyoro runovhuna mapfupa. |
| 16. | Wawana uchi here? Chidya hunokuringana, Kuti urege kuzvimbirwa nahwo, ukahurutsa. |
| 17. | Rutsoka rwako ngarurege kuwanza kupinda paimba yowokwako; Arege kuzoneta newe, akakuvenga. |
| 18. | Munhu anopupurira wokwake nhema, Akafanana netsvimbo, nomunondo, nomuseve unopinza. |
| 19. | Kutenda munhu asina kutendeka panguva yenhamo, Kwakafanana nezino rakagurika norutsoka rwakashodoka. |
| 20. | Somunhu anobvisa nguvo kana kuchitonhora, uye sevhiniga kana ichiiswa pasoda, Ndizvo zvakaita munhu anoimbira moyo unorwadza nziyo. |
| 21. | Kana muvengi wako ane nzara, umupe zvokudya adye; Kana ane nyota, umupe mvura anwe. |
| 22. | Nokuti uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake, Uye Jehovha achakuripira. |
| 23. | Mhepo inobva kuchamhembe inouyisa mvura; Saizvozvo rurimi runa makuhwa runouyisa chiso chakatsamwa. |
| 24. | Zviri nani kugara pakona redenga, Pakugara muimba imwe nomukadzi unokakavara. |
| 25. | Shoko rakanaka, rinobva kunyika iri kure, Rakafanana nemvura inotonhorera kumweya ane nyota. |
| 26. | Munhu akarurama, anozununguka pamberi pavakaipa, Akafanana netsime rakabvongodzwa nechitubu chine tsvina. |
| 27. | Hazvina kunaka kudya uchi huzhinji; Asi kunzvera zvinorema ndiko kukudzwa. |
| 28. | Munhu asingadzori mweya wake, Akafanana neguta rakaputswa, risina rusvingo. |
| ← Proverbs (25/31) → |