Proverbs (25/31)  

1. Izvowo ndizvo zvirevo zvaSo­romoni, zvakanyorwa navanhu vaHezekia mambo wavaJudha,
2. Ndiko kukudzwa kwaMwari kuti avanze chinhu; Asi kukudzwa kwamadzimambo ndiko kuti vanzvere mhosva.
3. Kukwirira kwedenga, nokudzika kwenyika, Nemoyo yamadzimambo hazvibviri kunzverwa.
4. Bvisa marara pasirivha, Muumbi agobudisirwa hari.
5. Bvisa akaipa pamberi pamambo, Chigaro chake choushe chisimbiswe nokururama.
6. Usava namanyawi pamberi pamambo; Usamira panzvimbo yavakuru.
7. Nokuti zviri nani kuti vati kwauri, "Kwira pano," Pakuti uninipiswe pamberi pomuchinda. Wawaona nameso ako
8. Usakurumidza kundoita nharo; Nokuti uchazodini pashure, Kana wokwako akunyadzisa?
9. Rangana nowakaipa pamusoro pemhosva iri pakati penyu, Asi usareurura zvakavanzika zvomumwe;
10. Kuti mumwe anozvinzwa arege kukutuka, Gungwa rako rikasaguma.
11. Shoko rinotaurwa nenguva yakafanira, Rakafanana namatamba endarama mumidziyo yesirivha.
12. Murairi akachenjera panzeve inoteerera, Zvakafanana nechindori chenzeve chendarama noukomba hwendarama yakaisvonaka.
13. Nhume yakatendeka kuna vanoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokucheka; nokuti anoponesa mweya yavatenzi vayo.
14. Munhu anozvirumbidza pamusoro pechipo chenhema, Akafanana namakore nemhepo zvisina mvura.
15. Mubati anokundwa kana achiitirwa moyo murefu, Uye rurimi runyoro runovhuna mapfupa.
16. Wawana uchi here? Chidya hunokuringana, Kuti urege kuzvimbirwa nahwo, ukahurutsa.
17. Rutsoka rwako ngarurege kuwanza kupinda paimba yowokwako; Arege kuzoneta newe, akakuvenga.
18. Munhu anopupurira wokwake nhema, Akafanana netsvimbo, nomunondo, nomuseve unopinza.
19. Kutenda munhu asina kutendeka panguva yenhamo, Kwakafanana nezino rakagurika norutsoka rwakashodoka.
20. Somunhu anobvisa nguvo kana kuchitonhora, uye sevhiniga kana ichiiswa pasoda, Ndizvo zvakaita munhu anoimbira moyo unorwadza nziyo.
21. Kana muvengi wako ane nzara, umupe zvokudya adye; Kana ane nyota, umupe mvura anwe.
22. Nokuti uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake, Uye Jehovha achakuripira.
23. Mhepo inobva kuchamhembe inouyisa mvura; Saizvozvo rurimi runa makuhwa runouyisa chiso chakatsamwa.
24. Zviri nani kugara pakona redenga, Pakugara muimba imwe nomukadzi unokakavara.
25. Shoko rakanaka, rinobva kunyika iri kure, Rakafanana nemvura inotonhorera kumweya ane nyota.
26. Munhu akarurama, anozununguka pamberi pavakaipa, Akafanana netsime rakabvongodzwa nechitubu chine tsvina.
27. Hazvina kunaka kudya uchi huzhinji; Asi kunzvera zvinorema ndiko kukudzwa.
28. Munhu asingadzori mweya wake, Akafanana neguta rakaputswa, risina rusvingo.

  Proverbs (25/31)