Proverbs (24/31)  

1. Usagodora vanhu vakaipa; Usashuva kuva pakati pavo.
2. Nokuti moyo yavo inorangarira kuparadza; Nemiromo yavo inotaura zvakashata.
3. Imba inovakwa nouchenjeri; Inosimbiswa nenjere.
4. Nezivo dzimba dzomukati dzinozadzwa Nefuma yose inokosha inofadza.
5. Munhu akachenjera ane simba; Zvirokwazvo, munhu wezivo anowedzera simba
6. Nokuti anofanira kurwa pfumo amborairirwa nouchenjeri; Asi kuna varairiri vazhinji ndiko kune ruponeso.
7. Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; Harishamisi muromo waro padare.
8. Anorangarira kuita zvakaipa, Achanzi navanhu mwene wezvakashata.
9. Mufungo woupenzi zvivi; Mudadi anonyangadza vanhu.
10. Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, Simba rako ishoma.
11. Rwira vanoiswa kurufu; Novourawa usarega kuvadzosa.
12. Kana ukati, "Tarirai, hatina kuzviziva; " Ko iye anoidza moyo, haazvioni here? Naiye anochengeta mweya wako, haazvizivi here? Ko iye haangapi mumwe nomumwe zvakaenzana nebasa rake here?
13. Mwanakomana wangu, idya uchi, nokuti hwakanaka; Nomusvi unozipa pamukanwa wako.
14. Uchaona kuti ndizvo zvichaita uchenjeri kumweya wako; Kana wahuwana, mubayiro uchavapo, Nezvawakatarira hazvingaparadzwi.
15. Iwe munhu akaipa, usavandira panogara wakarurama; Usaparadza paanozorora.
16. Nokuti munhu akarurama angawa kanomwe, achisimukazve; Asi vakaipa vanowisirwa pasi nenjodzi.
17. Usafarisisa kana muvengi wako achiwa; Kana achiwisirwa pasi, moyo wako ngaurege kufara.
18. Kuti Jehovha arege kuzviona, zvisamufadza, Akazodzora kutsamwa kwake kwaari.
19. Usatsamwa nokuda kwavaiti vezvakaipa; Uye usagodora vakaipa.
20. Nokuti munhu akaipa haana mubayiro; Mwenje wakaipa uchadzimwa.
21. Mwanakomana wangu, itya Jehovha namambo; Usafambidzana navanongosishanduka.
22. Nokuti nhamo yavo ichamuka pakarepo; Nokuguma kwamakore avo, ndiani achazviziva?
23. Zvirevo izviwo zvakabva kuna vakachenjera, Kutsaura vanhu pakutonga hazvina kunaka
24. Anoti kune wakaipa, "Akarurama," Vanhu vachamutuka, nendudzi dzichamusema.
25. Asi vanomuraira, vachaitirwa zvakanaka; ropafadzo yakanaka ichauya pamusoro pavo.
26. Anopindura namashoko akarurama, anotsvoda nemiromo.
27. Gadzira basa rako kunze, Uzvigadzirire iro pamunda; Pashure ugovaka imba yako.
28. Usava chapupu chinopomera wokwako asina mhosva; Usanyengedzera nemiromo yako.
29. Usati, "Sezvaakandiitira, ndizvo zvandichamuitirawo; Ndicharipira munhu sezvaakaita iye."
30. Ndakapfuura napamunda wesimbe, Napamunda wemizambiringa womunhu anoshaiwa njere;
31. Tarirai, akanga angomera minzwa chete; Munda wose wakanga wakafukidzwa norukato, Norusvingo rwawo rwamabwe rwakanga rwakoromoka.
32. Ipapo ndakacherekedza, ndikanatsofunga; Ndakaona, ndikadzidziswa.
33. Kumbovata zvishomanene, kumbotsumwaira zvishomanene, Kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore;
34. Saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu akashonga nhumbi dzokurwa.

  Proverbs (24/31)