| ← Proverbs (24/31) → |
| 1. | Usagodora vanhu vakaipa; Usashuva kuva pakati pavo. |
| 2. | Nokuti moyo yavo inorangarira kuparadza; Nemiromo yavo inotaura zvakashata. |
| 3. | Imba inovakwa nouchenjeri; Inosimbiswa nenjere. |
| 4. | Nezivo dzimba dzomukati dzinozadzwa Nefuma yose inokosha inofadza. |
| 5. | Munhu akachenjera ane simba; Zvirokwazvo, munhu wezivo anowedzera simba |
| 6. | Nokuti anofanira kurwa pfumo amborairirwa nouchenjeri; Asi kuna varairiri vazhinji ndiko kune ruponeso. |
| 7. | Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; Harishamisi muromo waro padare. |
| 8. | Anorangarira kuita zvakaipa, Achanzi navanhu mwene wezvakashata. |
| 9. | Mufungo woupenzi zvivi; Mudadi anonyangadza vanhu. |
| 10. | Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika, Simba rako ishoma. |
| 11. | Rwira vanoiswa kurufu; Novourawa usarega kuvadzosa. |
| 12. | Kana ukati, "Tarirai, hatina kuzviziva; " Ko iye anoidza moyo, haazvioni here? Naiye anochengeta mweya wako, haazvizivi here? Ko iye haangapi mumwe nomumwe zvakaenzana nebasa rake here? |
| 13. | Mwanakomana wangu, idya uchi, nokuti hwakanaka; Nomusvi unozipa pamukanwa wako. |
| 14. | Uchaona kuti ndizvo zvichaita uchenjeri kumweya wako; Kana wahuwana, mubayiro uchavapo, Nezvawakatarira hazvingaparadzwi. |
| 15. | Iwe munhu akaipa, usavandira panogara wakarurama; Usaparadza paanozorora. |
| 16. | Nokuti munhu akarurama angawa kanomwe, achisimukazve; Asi vakaipa vanowisirwa pasi nenjodzi. |
| 17. | Usafarisisa kana muvengi wako achiwa; Kana achiwisirwa pasi, moyo wako ngaurege kufara. |
| 18. | Kuti Jehovha arege kuzviona, zvisamufadza, Akazodzora kutsamwa kwake kwaari. |
| 19. | Usatsamwa nokuda kwavaiti vezvakaipa; Uye usagodora vakaipa. |
| 20. | Nokuti munhu akaipa haana mubayiro; Mwenje wakaipa uchadzimwa. |
| 21. | Mwanakomana wangu, itya Jehovha namambo; Usafambidzana navanongosishanduka. |
| 22. | Nokuti nhamo yavo ichamuka pakarepo; Nokuguma kwamakore avo, ndiani achazviziva? |
| 23. | Zvirevo izviwo zvakabva kuna vakachenjera, Kutsaura vanhu pakutonga hazvina kunaka |
| 24. | Anoti kune wakaipa, "Akarurama," Vanhu vachamutuka, nendudzi dzichamusema. |
| 25. | Asi vanomuraira, vachaitirwa zvakanaka; ropafadzo yakanaka ichauya pamusoro pavo. |
| 26. | Anopindura namashoko akarurama, anotsvoda nemiromo. |
| 27. | Gadzira basa rako kunze, Uzvigadzirire iro pamunda; Pashure ugovaka imba yako. |
| 28. | Usava chapupu chinopomera wokwako asina mhosva; Usanyengedzera nemiromo yako. |
| 29. | Usati, "Sezvaakandiitira, ndizvo zvandichamuitirawo; Ndicharipira munhu sezvaakaita iye." |
| 30. | Ndakapfuura napamunda wesimbe, Napamunda wemizambiringa womunhu anoshaiwa njere; |
| 31. | Tarirai, akanga angomera minzwa chete; Munda wose wakanga wakafukidzwa norukato, Norusvingo rwawo rwamabwe rwakanga rwakoromoka. |
| 32. | Ipapo ndakacherekedza, ndikanatsofunga; Ndakaona, ndikadzidziswa. |
| 33. | Kumbovata zvishomanene, kumbotsumwaira zvishomanene, Kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore; |
| 34. | Saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu akashonga nhumbi dzokurwa. |
| ← Proverbs (24/31) → |