| ← Proverbs (23/31) → |
| 1. | Kana ukagara pakudya chete nomubati, Cherekedza zvakanaka zviri pamberi pako; |
| 2. | Uzvigure huro dzako, Kana uri munhu wamadyo |
| 3. | Usapanga zvinozipa zvake, Nokuti zvokudya izvo zvinonyengedzera. |
| 4. | Usazvinetsa kuwana fuma; Rega huchenjeri hwako. |
| 5. | Unoda kuzvitarira nameso ako? Zvaenda! Nokuti zvirokwazvo fuma inozviitira mapapiro, Segondo rinobhururukira kudenga |
| 6. | Usadya zvokudya zvomunhu anoruchiva; Kana kupanga zvinozipa zvake. |
| 7. | Nokuti sezvaanofunga mumoyo make, ndozvaakaita; Anoti kwauri, "Chidya, chinwa;" , Asi moyo wake haune hanya newe. |
| 8. | Musuva wawadya, uchaurutsazve, Ukarashikirwa namashoko ako akanaka. |
| 9. | Usataura paunonzwikwa nebenzi; Nokuti richazvidza uchenjeri hwamashoko ako. |
| 10. | Usabvisa muganho wekare; Uye usapinda paminda yenherera; |
| 11. | Nokuti Mudzikunuri wavo ane simba; Iye uchavarwira pamhaka dzavo newe. |
| 12. | moyo wako ushingaire kudzidziswa, Nenzeve dzako kunzwa mashoko ezivo. |
| 13. | Usarega kuranga mwana; Nokuti kunyange ukamurova neshamhu, haangafi. |
| 14. | Umurove neshamhu, Ugorwira mweya wake paSheori. |
| 15. | Mwanakomana wangu, kana moyo wako wochenjera, Nomoyo wangu uchafarawo. |
| 16. | Zvirokwazvo, itsvo dzangu dzichafarisisa, Kana miromo yako ichitaura zvinhu zvakarurama. |
| 17. | moyo wako ngaurege kugodora vatadzi; Asi utye Jehovha mazuva ose. |
| 18. | Nokuti zvirokwazvo mubayiro uripo; Chawakatarira hachingaparadzwi. |
| 19. | Inzwa, iwe mwanakomana wangu, uchenjere, Ururamise moyo wako munzira. |
| 20. | Usava pakati pavanokarira waini, Pakati pavanokarira nyama. |
| 21. | Nokuti munwi neane madyo vachava varombo; Hope dzichapfekedza munhu mamvemve. |
| 22. | Teerera baba vako vakakubereka; Usazvidza mai vako kana vachembera. |
| 23. | Tenga zvokwadi, urege kuzoitengesazve; Uye tenga uchenjeri nedzidzo nenjere. |
| 24. | Baba vovakarurama vachafara kwazvo; Uye akabereka mwana akachenjera, achafadzwa naye. |
| 25. | Baba vako namai vako ngavafare, Mai vakakubereka ngavafare kwazvo. |
| 26. | Mwanakomana wangu, ndipe moyo wako; Meso ako ngaafarire nzira dzangu. |
| 27. | Nokuti chifeve igoronga rakadzika; Nomukadzi wokumwe gomba rakamanikana. |
| 28. | Zvirokwazvo anovandira segororo; Anowedzera vanyengedzeri pakati pavanhu. |
| 29. | Ndiani anoti, "Haiwa!" Ndiani, anoti, "Maiwe! Ndiani anokukakavara? Ndiani anokuchema? Ndiani anemavanga pasina mhaka? Ndiani ane meso akatsvuka?" |
| 30. | Ndivo vanogarisa pawaini; Ivo vanondotsvaka waini yavhenganiswa. |
| 31. | Usatarira waini kana yakatsvuka, Kana ichivaima mumukombe, Kana ichitapira pakunwiwa. |
| 32. | Pakupedzisira inoruma senyoka, Inobaya semvumbi. |
| 33. | Meso ako achaona zvisingazikanwi, moyo wako uchabudisa zvisakarurama. |
| 34. | Zvirokwazvo uchava somunhu avete pasi mukati megungwa, Kana soavete pamusoro pedanda rechikepe. |
| 35. | Uchati, "Vakandirova, asi handina kurwadziwa, Vakandirova, asi handina kuzvinzwa; Ndichapepuka rinhiko? Ipapo ndichandoitsvakazve. |
| ← Proverbs (23/31) → |